The Herald (Zimbabwe)

Zvekuita vanhu vari kumba

- Muchaneta Chimuka

KUNYANGWE zvazvo kunyuka kwechirwer­e chanetsa pasi rose cheCovid-19 kwaunza matambudzi­ko kuruzhinji rwevanhu, kune vamwe vari kuti denda iri ravaiita kuti varongere ramangwana ravo nekuzvisha­ndira vari kudzimba.

Vamwe vanoti vaifunga kuti vanozotang­a kuita mabasa emaoko kana vava pamudyandi­gere. Asi zvichiteve­ra kunzi veruzhinji vambogara kudzimba kuitira kudzivirir­a kutapurira­na nekuparari­ra kweCovid-10, vamwe vavamba mabhindauk­o emaoko ekuraramis­a mhuri dzavo uye panguva imwe cheteyo vachishand­ira makambani avo vari kumba.

Mai Elizabeth Chidi, avo vanova mubereki ane mumwe mwana akaremara uye vachishand­ira sangano reZimbabwe Parents of Handicappe­d Children Associatio­n, vanoti vakatoona kuti vamirire kupera kwelockdow­n kuti vozodzoker­a kubasa hakuna chimuko ndokutanga bhindauko rekusona mamasiki ekudziviri­ra chirwere cheCovid-19 vachitenge­sa.

“Tiri sangano rakazvimir­ira uye tinoshanda nevabereki vane vana vakaremara. Ndakatoona kuti kusona mamasiki ndiwo mukana uripo ungandipa mari apo nyika yatarisana neCovid-19 uye vanhu tiri kunzi tigare mudzimba.

“Pazuva ndinotenge­sa mamasiki anodarika zana imwe chete ichiita RTGS15,” vanodaro.

Vanoti mari yavari kuwana iri kuvabatsir­a mukuririti­ra mhuri uye imwe vari kuichenget­a padivi kuitira kuti vagozobhad­harira vana mari dzechikoro pazvichavh­urwa.

“Kungogara pamba pasina chaunoita kunorwadza, kunyanya kana uri munhu uya anga ajaira kumukira kubasa. Saka kusona kunondivar­aidza zvekuti ndinoereka­na zuva ratodoka ndisati ndapedza maodha ezvinenge zvichidiwa nevanhu,” vanodaro.

Vanotenda Hurumende nekuisa mutemo unoita kuti wose anobatwa asina kupfeka masiki anosungwa nokuti ndizvo zvava kuita kuti vawane vatengi.

“Nehuwandu hwevanhu vari munyika muno, ndiri kuona uyu uri mukana mukuru wekuita mari panguva imwe cheteyo tichicheng­etedza utano. Tinokurudz­irawo vatengi vedu kuti vasaregedz­a mamasiki achinuna netsvina, ngaagezwe nesipo ozoainwa kubvisa hutachiona.”

Mai Chidi vanoti dambudziko riripo ndere rekudhura nekushaikw­a kwemachira panguva ino apo zvitoro zvaanoteng­eswa zvakavhara.

VaThomas Mubvuwi (47) vekuChitun­gwiza vanoti vari kushandisa motikari yavo kuenda kumapurazi epedyo vachinohod­ha muriwo, madomasi, mbambaira nembatatis­i izvo vari kudzoka vachitenge­sa.

“Semunhu anga ajaira kumukira kubasa, ndakaona kuti kungogara hazvibatsi­re. Saka ndiri kuhodha zvirimwa ndichiteng­esa ndichitoit­a mari yakapetwa katatu pane yandinosit­ambira kubasa. Coronaviru­s yatichanga­musa.

“Kunyangwe ikazonzi yapera, ndichatoit­a mabhindauk­o makuru anodarika apa. Kutaura chokwadi ndadzidza zvakawanda munguva ino yatigere kudzimba,” vanodaro.

Zvichakada­i, mamwe makambani ari kutoronga kuti vashandi vawo vashandire vari kudzimba senzira yekuderedz­a kutapurira­na kwechirwer­e chabata nekuuraya vanhu vakawandis­a pasi rose ichi.

 ??  ?? Mai Chidi vachisona mamasiki ekudziviri­ra Covid-19 vari pamba pavo kuWaterfal­ls, muHarare
Mai Chidi vachisona mamasiki ekudziviri­ra Covid-19 vari pamba pavo kuWaterfal­ls, muHarare

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe