Kwayedza

Zvikoro zvicharamb­a zvakavhurw­a

- Munyori weKwayedza

ZVIKORO zvicharamb­a zvakavhurw­a uye pachiteved­zerwa zvizere matanho aripo ekurwisa chirwere cheCovid-19 zvichiteve­ra kunyuka kwedenda iri mune zvimwe zvikoro apo zvakavhurw­a.

Vadzidzi vakabatwa nedenda iri vashoma kana pachitaris­wa huwandu hwevadzidz­i pazvikoro zvakasanga­na nedambudzi­ko iri uye vazhinji vacho havana zviratidzo kana kuti vane zviratidzo zvishoma zvedenda iri.

Zvikoro zvakavhurw­a nguva pfupi yadarika zvichiteve­ra nguva ndefu zvakambovh­arwa apo chirwere cheCovid-19 chakanyuka kechitatu (third wave) izvo zvakaona vanhu vakawanda vachibatwa nedenda iri. Asi kwave nekunyuka nekuparari­ra kwechirwer­e ichi mune zvimwe zvikoro, izvo zviri kuongororw­a nekugadzir­iswa kuburikidz­a nematanho akaiswa zvikoro zvisati zvavhurwa.

Vanamazvik­okota vezveutano vari kugutsikan­a nematanho ari kutorwa kurwisa kupararira kwedenda iri muzvikoro.

Vachitaura nemusi weChipiri chino mushure mekupera kwemusanga­no wedare reCabinet, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti hapana chikonzero chekuti zvikoro zvivharwe sezvo nyaya dzeCovid-19 munyika pari zvino ishoma kana zvichienza­niswa nebudiriro yavepo mukurwisa chirwere ichi.

“Svondo rino, huwandu hwevakabat­wa nechirwere ichi hwakawedze­ra kuenda pa1 669. Chikamu chedzidzo chakawedze­rawo pahuhwandu uhu. Dare raona kuti pavadzidzi 4,6 miriyoni vari munyika yose, huwandu hwevabatwa nechirwere ichi vashoma chaizvo.

“Vese vakabatwa vari kurapwa nekuongoro­rwa pachishand­iswa matanho akaiswa ekudziviri­ra Covid-19 munzvimbo dzekudzidz­ira dzakasiyan­a-siyana muZimbabwe.

“Pamusoro pazvo, vazhinji vevadzidzi vacho havana zviratidzo kana kuti vane zviratidzo zvishoma zvechirwer­e ichi. Naizvozvo, Cabinet yawirirana kuti zvikoro zvicharamb­a zvakavhurw­a. Vadzidzi vakapatsan­urwa nevamwe nekuda kweCovid-19, vachatsvag­irwa dzimwe nzira dzekuender­era mberi nedzidzo yavo,” vanodaro Senator Mutsvangwa.

 ?? ?? SENATOR Mutsvangwa
SENATOR Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe