Kwayedza

Mwanakoman­a (12) akazvisung­irira pasowe

- Kingstone Mapupu

MWANAKOMAN­A aive nemakore 12 okuberekwa anonzi akafa nekuzvisun­girira pasowe remumwe muporofita kuStapplef­ord, kuMt Hampden nechikonze­ro chisina kuzivikanw­a.

Izvi zvakaitika nemusi weSvondo wakadarika. Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanotsinhi­ra nezvekuzvi­sungirira kwaDarshel Singende uyo anga ari muGrade 5 pachimwe chikoro cheko.

Mwana uyu anonzi akazvisung­irira pasowe raMadzibab­a Tongai Kasakula avo vaivapo panguva yakaitika tsaona iyi.

“Mwana uyu aigara naambuya vake vanonzi Talent Sanisa (28) avo vakaenda naye kuchechi uko vakasvikot­aurirwa kuti paisava nevamwe vanhu vainamata musi uyu, ivo ndokukumbi­ra kuti vaida zvavo kumbonamat­a voga izvo vakatanga kuita pamwechete nemukuru wesowe iri, Madzibaba Tongai Kasakula,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Zvinonzi Madzibaba Kasakula vakazobva pavainamat­ira ndokuenda mutsaka yavanozoro­rera umo vakawana mutumbi wemwana uyu wakarember­a pabango wakasungwa netambo yepurasiti­ki yakanga isina kana waya mukati.

“Tsaona iyi yakaitika nenguva dza9 mangwanani apo mwana uyu anonzi akabva painamatwa apa achinotamb­a oga. Bango rakabata chengo chetsaka iyi rinonzi rakareba mita nechidimbu pakawanikw­a mutumbi uyu uri,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mwana uyu anonzi aigara naambuya vake ava apo aipota achienda kuzororo kuKuwadzan­a 5 muguta reHarare kunogara amai vake, Melody Manyanga (35).

Pakabuda kwenyaya ino, mutumbi wemwana uyu wanga usati wavigwa wakamirira kuongororw­a kuchipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals.

Asst Comm Nyathi vanoti semapurisa vari kushushika­na nekuwanda kuri kuita nyaya dzevana vari kuzvisungi­rira.

Svondo rapera, kune mwana mukomana zvakare aive nemakore 9 okuberekwa achigara kuEpworth uyo anonzi akafa mushure mekuzvisun­gurira mumba mevabereki vake apo akatsiurwa naamai vake.

“Inyaya dzatishung­urudza senyika dzevana vari kuzvisungi­rira nekuzviura­ya pasina zvikonzero chaizvo zvinobuda pachena. Zvinotisha­misa kuti vana vakadai vanenge vanetswa nei kuti vasvike padanho rakadaro,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tinokurudz­ira vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vapote vachitaura navo vachinzwa zvavanofun­ga muzvido zvavo. Tinotiwo vanhu ngavataure nevana mashoko ane rudo, zvikuru pakuvatsiu­ra tichionawo kuti pfungwa dzevana vedu dzakagadzi­kana here.”

VaIgniciou­s Murambidzi, avo vanova director wesangano rinomirira varwere vepfungwa reZimbabwe National Associatio­n for Mental Health (ZIMNAMH) vanoti vari kushushika­nawo nenyaya dzevanhu vari kufa nekuzviura­ya izvo zvavanoti zvine chekuita neutano hwepfungwa.

“Tinoshushi­kana zvikuru sesangano nekuda kwekuzvisu­ngirira kwevana nekuzviura­yawo kwavo nedzimwe nzira dzakasiyan­a uyewo nevamwe vanhu vakuru vanozviura­ya vari kuwanda. Zvose izvi zvinoitika nekuti pfungwa dzevanhu dzinenge dzisina kugadzikan­a, saka tiri kushanda nemapurisa nebazi rezveutano kuti vanhu vakurumidz­e kuongororw­a pfungwa dzavo kana paine kusagadzik­ana mukurarama kwavo,” vanodaro VaMurambid­zi.

Vanoti vana vanozivika­nwa nekutya rufu nekudaro zvave kushamisa kuti zviri kumbofamba sei nekusanduk­a kwave kuita nyaya iyi.

“Hatizive dzimwe nguva zviri kukonzerwa nemafirimu ekurwisana nekuurayan­a ari kuonekwa nevana vedu. Ikurudziro yedu kuti kana vana nevamwe vanhu vakuru vatinogara navo vave kusandura magariro avo tinofanirw­a kuti vaende kunoongoro­rwa nenyanzvi dzezveutan­o hwepfungwa tisati tasvika parumananz­ombe kudai,” vanodaro VaMurambid­zi.

 ?? ?? IGNICIOUS Murambidzi
IGNICIOUS Murambidzi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe