Mhuri izere humhizha
MHURI yekudunhu raMambo Chipuriro, kuGuruve, inoti havana pfungwa dzekunotsvaga mabasa kumakambani kana kumwe sezvo vachiita basa rehumhizha rekupfura zvinhu zvakasiyana kubva musimbi inove nhaka yemusiidzanwa mudzinza ravo.
VaZvamuri Kasinamunda (42) vanoti kuburikidza nehunyanzvi hwavo hwekupfura simbi vachigadzira zvinhu zvakasiyana, vakavamba mushandirapamwe wavo semhuri apo vanogadzira zvinhu zvakawanda.
“Tinoshanda semhuri pano ndiine vanin’ina vangu Steel Matemera (39), Tawanda Malunga (30), Elvin Nduku Makanjera (25) naNorman Kasinamunda (16). Tinoshandisa mvuto yekudhaya sechibhorani iyo yatinoisa mvura mukati iine pombi inofuridza moto.
“Tinogadzira zvinhu zvakawanda, miromo yemagejo, mapadza emagejo neekusakurisa nezvimwewo,” vanodaro VaKasinamunda.
Mvuto yavanoshandisa iyi vanoishevedza kuti drum blower iyo vanoti hairwadze kana kurema pakuisevenzesa.
Zvimwe zvezvinhu zvavanopfura zvinosanganisira mapfumo, mbezo nemapanga.
“Kambani yedu yekupfura simbi iyi inotiraramisa tose nemadzimai edu sezvo tisingacheuki vanhu vanoenda kumabasa.
‘‘Tinogadzira magejo matsva nemakaravheta pano izvo tinotengesa nemitengo isingarwadze vatengi vedu vatinogara navo muno, gejo rinodaidza mari inoita US$400 uye karavheta US$600.
“Pamusoro pezvo, mabhara tinovandudza nemimwe midziyo yepamusha,” vanodaro VaKasinamunda.
Vanoti basa ravo harinetse sezvo vachifamba nzvimbo dzakawanda vachitsvaga simbi dzisisashandiswe (scrap metal), zvikuru madhishi akapera emagejo.
“Kazhinji tinoshandisa marasha pakupisa simbi dzedu pane miti nechinangwa chekuchengetedza masango. Pazuva tinokwanisa kugadzira mapadza 20, miromo yemagejo 20, matemo 20 nemapanga 30. Tine motokari yatakatenga yatinofamba nayo tichitengesa zvinhu izvi,” vanodaro.
VaKasinamunda vanoenderera mberi vachiti, “Kunyange zvikaoma sei, mumwe nemumwe wedu anokwanisa kuwana mari inodarika US$50 kana US$60 pasvondo zvinoita kuti vana vedu vaende kuchikoro pasina dambudziko.”
Mhuri iyi inokurudzira vechidiki kushandisa maoko mukutsvaga mari pane kumirira kutsvaga mabasa ayo asiri nyore kuawana.