Kwayedza

Kwava nematanho matsva eCovid-19

- Tandayi Motsi

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisari­on (WHO) rakatara matanho matsva ekubatsira nyika kuti dzikwanise kusimbarad­za zvirongwa zvekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

WHO yakaisawo Zimbabwe, pakati pedzimwe nyika, pachikero cheCategor­y CT2 icho chine nyika dzine vanhu vari kuwanikwa vaine denda iri zviri pakati nepakati.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangan­o wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko nenyaya dzenhepfen­yuro — Senator Monica Mutsvangwa — vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachikoshe­sa kutevedzer­a matanho akatarwa mukurwisa Covid-19 sezvo chirwere ichi chichiriko.

“Nyika inoziviswa kuti World Health Organisati­on yakaburits­a matanho matsva ekubatsira nyika kurwisa Covid-19. Zimbabwe yakaiswa pachikero cheLevel CT2 chinova chine nyika dzine nyaya dzevanhu vari kubatwa vaine chirwere ichi zviri pakati nepakati. Nyika dzine vanhu vakawanda vari kuwanikwa vaine Covid-19 dziri pachikero cheCT4,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Kune nyika dziri paLevel 3 seZimbabwe, WHO inokurudzi­ra zvinotever­a: veruzhinji vanokurudz­irwa kuti vakoshese hutsanana kuburikidz­a nekugeza mawoko (nemvura ine sipo), kuzvitsaur­a kubva kune vamwe kana vachirwara, kugara vakapfeka mamasiki panzvimbo dzakakodze­ra, kusaita chitsoko-tsoko uye nekusaenda munzvimbo dzinoungan­a vanhu.

“Zvikoro zvepuraima­ri nesekondar­i zvinofanir­wa kuramba zvakavhurw­a asi pachitorwa matanho akasimba ekudziviri­ra Covid-19.

“Kuzvikoro zvepamusor­o, panofanirw­a kuve nekurudzir­o yekuti vadzidzi vafunde padandemut­ande uye nekuona kuti nyaya dzemitambo nemamwe makungano haana njodzi here yekukonzer­a kupararira kweCovid-19.”

Sen Mutsvangwa vanoti Cabinet inogutsika­na kuti kuZimbabwe yagara ichitevedz­era matanho akatarwa neWHO aya uye icharamba ichiasimba­radza panguva iyo veruzhinji vari kukurudzir­wa kuti vaatevedze­re zvizere.

“Cabinet inosimbisi­sa kuti vose vari kudzoka kubva kunze kwenyika vanofanirw­a kuve nemagwaro anoratidza kuti havana Covid-19 ayo vanosungir­wa kutora mukati memaawa 48 vasati vasimuka kubva kunze uye magwaro aya anofanirwa kutorwa kumalabora­tory anocherech­edzwa neWHO,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti zvakakosha­wo kuti masangano enhau arambe achiburits­a nyaya dziri pamusoro peCovid-19 sezvo dzichibats­ira zvakanyany­a mukupa dzidziso kune veruzhinji.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, Zimbabwe yange yava nevanhu 11 522 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavarwere ava, 9 599 vakatopona asi vamwe 310 vakafa.

 ??  ?? Sen Mutsvangwa
Sen Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe