. . . zvinofungwa nevaverengi
VAVERENGI veKwayedza vanoratidza kufarira nekushamisika zvakanyanya nemifananidzo yehove yerudzi rwehunga iyo iri pamadandemutande rebepanhau iri anosanganisira Facebook neTwitter.
Mifananidzo iyi yakaiswa svondo rino mushure mekunge yatorwa nemupepeti weKwayedza Patrick Shamba hove yakabatwa nevamwe varume murwizi rwaMubvinzi iyi ichitengeswa panzvimbo yeKariba mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuShamva.
Pane mashoko akawanda anotaurwa pamusoro pehove iyi apo vamwe vanoti inofanirwa kugurwa musoro wokandwa mumvura kuti isapanduke kuita nyoka kana ichinge yabatwa.
Vaverengi vanodarika 600 vataura zvakasiyana pamusoro pehove iyi uye zvimwe zvacho ndezvinotevera:
* * *
Gemmah RM Ziso anoti kugura musoro yaiva nzira yevanhu yekuvharidzira kuti vanzi havasi kudya nyoka asi hunga haisi hove.
* * *
Mutenha David Jnr — Uchatibatira Nyaminyami nyika ikaita ngozi iwe. Dzosera vasharukwa avo mumvura.
* * *
Le Ginger Muz Inock — Ndinotenda kuKwayedza nhasi magona . . . Ndokekutanga kuionawo mufunge.
* * *
Gladys Nhutu Murahwa — Nyangwe ndichiida ndingatenga yakabatwa kudai here dai aicheka cheka mapiece yonanikwa oitengesa yakaoma zviri nani iyi ichatengwa nemaChina manje anomawanira kupi.
* * *
Fanie Fatso Hamsie — Ndokuti usavi ka ndakatomboibata maDewure ndichakura sandi kunaka mhani.
* * *
Larry Gwati — Hove iyo tichikura zvainzi inofanirwa kugurwa musoro wokandwa mumvura wotora mutumbi wacho wese handiziviwo hangu pamwe nzvimbo dzinosiyana.
* * *
Memory Matsika — Kana muchimbotenga hove yakaomeswa mu **** ***** (zita rechitoro) inenge irimo muchiti igwaya ndakamboitenga ndakairada futa racho haiboo iyi inyoka paigere zvayo.
* * *
Gin Maposa — Saka kuigura musoro wokanda mumvura inozokura zvakare here/kumera?
* * *
Jullius Hamandishe — Hove iyi yakaita kunge nyoka asi kwete zvakanyanya asi ine muviri unenge wenyoka zvayo munogona kunyatsozvitarisa.
* * * Kudakwashe Kooks Kudzanga — Mapostori chidyai henyu muramba hove yekumedza Jona yazowanikwa.
* * *
Arthur Junior Muvengwa — Ini hangu ndikaibata hapamirike, chero zvekuredza zvacho zvoobva zvaperera ipapo.
* * * Ngonidzaishe Munyengeterwa — Yakangofanana nemuramba iyo (eel) kana (hake), ndikutoda pairi nditoidye, chese chinogadzira muto inyama.
* * *
Sekuru Tendai — Ndakatokurirawo maOdzi tichibata hunga asi iyi kana ndiri kuda hove iiiiiiiiii ma1 darikai mushasha tingatotenga mutikiti, hakuna zvakadai.
* * *
Joanna Sikhosanah Juma — Ummm regai ndizvidyire muriwo nembatatisi zvine utano nyoka iyo idyai mega.
* * *
Mtengwa Tamuka Julius — Vese vari kuti handidyi iyo hove zvinoreva kuti hamudyi miramba . . . hove iyo inonzi Eel uye ine nyama seyemuramba . . . inonaka kana yaomeswa haumbozoiregi.
* * *
I’m Jay Basira Nyati — Yeah aifanira kudambura musoro oudzosera murwizi but zvaiitirwa kuti vanhu vasafunge kuti inyoka coz musoro wayo wakafanana nenyoka. * * *
Donald Jaricha — Chonaka chinhu icho fanika chikaomeswa, hachingode dzungu kumhanya kubika.
* * *
Dollyn Mafigu — Hooo tatoizivirawo panapa. Asi ndofunga kuti kudambura musoro wodzosera mumvura kuitira kut vanhu vasafunge kuti inyoka kwete kuti inokura futi, akaiona ichikura futi ndiani?
* * *
Tinashe Makamure — Ndohwa kuda kumboibata hove iyi, dzimwe dzose ndakambobata, ndiri kuhwa kuda kumboiburitsa ini ndomene, richasvika chete zuva racho.