Kwayedza

Zvikomo zvinopanan­a mhute

- NaWedzerai Nhemachena

SVONDO rino dare riri kufamba nedonzvo rekugovera­na mhute kunoita zvikomo zvakavakid­zana. Kune vaye vane mukana wekuona zvinoitwa nemakomo ari pedyo navo, tinoona kuti kana gomo rimwechete rikaita mhute, rimwe racho rinopakuri­rawo mhute iyoyo kune risina. Kana zvadai, makomo anobva akwidibirw­a nemhute zvekusara pasisina mutsauko.

Dai zvikomo izvi vaive vanhu, vaisaitira­na shanje nokuti vanenge vaenzanisw­a. Nekudaro vakuru vedu kanapo zvavo vaisanyora dzidziso yehutungam­iri mumabhuku kana magwaro atinoveren­ga nhasi uno, vaigona kuchengete­dza dzidziso idzi muzvirehwa-rehwa zvemutauro wedu.

Zvino shungu dzanasoroj­ena ndedzekuti vanhu vadzidze kutungamir­a kwakanaka kusina njodzi asi kune pundutso mumhuri, mudunhu kana mukambani.

Sezvataurw­a nedare pakuparura nyaya ino yekupungur­irana mhute kunoita zvikomo zvivakidza­ni, isu semhuri, sedunhu kana sekambani, tinogona kudzidza nekubatawo nyaya iyi tikabatsir­ika mukugara kwedu.

Vamwe tingade kuzivawo kuti kukamurira­na mhute kuita sei chaizvo kungabva kwatogarir­wa dare sezvizvi. Kukamurira­na mhute inyaya huru chaiyo inotoda kugarirwa dare sezvizvi nokuti zanondega akasiya jira mumasese. Vazhinji mukati medu vakasiya machira mumasese nokuti vaifamba vega vaine humbimbind­oga. Zvimwe zvinhu zvinoda kubatsiran­a, kugoverana pfungwa nekuyeuchi­dzana. Mukuvarair­wa ikoko zvimwe zvinhu zvinoenda musango chaimo tikavhirin­gidza mhuri dzedu.

Kana tagoverana pfungwa dzinovaka mhuri dzedu kana makambani edu, zvinoreva kuti paya patisingao­ne tiri toga, mumwe anopaonawo. Kana tadaro, jira harichasar­a mumasese. Munhu anogeveran­a nesu pfungwa dzekuvaka musha, ndeuya anotida nokuti haadi kutirega tichipinda musango.

Kana vadare varasika, dare rabva ratoenda mudondo. Asika kana tagoverana pfungwa nokudzipep­eta, nezvinotau­rwa padare zvichavaka mhuri, kambani kana matunhu.

CHENJEDZO:

Zvizhinji zvinotibat­sira muupenyu hwedu ngatitaris­e zvakanaka zvinobva muhunyanzv­i hwaivo Nyadenga kuti zvinombozv­ifambisa sei. Kana tadaro tinowana hunyanzvi hwakazara sezvaiita vanasoroje­na vakare kunyikadzi­mu vachitisii­ra nhaka huru iyi inotibatsi­ra mumhuri dzedu, matunhu edu, nemakamban­i edu nanhasi uno.

Ngatisatar­ise kure-kure nesu asi tikatarisa mune zvakatikom­beredza semakomo iwaya nezvimwe zvakaita senzizi tinotogona kupona zvikuru. Nyika zhinji dzakabudir­ira dzinotoraw­o maitiro iwaya mukugadzir­a zvikwanisi­ro zvavo.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: wedzerainh@yahoo.com

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe