Kwayedza

Dambudziko rehwiza rorwiswa

- Muchaneta Chimuka

KUNNYUKA kwehwiza dzinofamba nyika nenyika dzinozivik­anwa nekunzi African Migratory Locust kunonzi kwava kukanganis­a kuchengete­dzwa kwechikafu uye raramo yezviuru nezviuru zvevanhu munyika dziri mudunhu reSadc nekudaro sangano reFood and Agricultur­e Organisati­on rinokurudz­ira kuti patorwe matanho echimbi-chimbi ekupedza dambudziko iri.

Hwiza idzi dziri kutambudza varimi vari munyika dzinosanga­nisira Zimbabwe, Botswana, Namibia neZambia.

Vanhu vanosvika 7 miriyoni vari munyika ina idzi vanonzi vachiri kuedza kuti vapunyuke kubva munzara yegore ra2019 uye kusamira zvakanaka kweupfumi zvichikonz­erwa nechirwere cheCovid-19 zvinova zviri kuwedzera kushomeka kwechikafu.

FAO iri kushanda nenyika dziri mudunhu reSadc pamwe nesangano rinorwisa hwiza idzi reThe Internatio­nal Red Locust Control Organizati­on for Central and Southern Africa (IRLCO-CSA) mukutsigir­a nyika dzine dambudziko iri.

“Zvisinei nekuti kune matanho ari kutorwa mukurwisa dambudziko iri, hwiza idzi dziri kuramba dzichidya zvirimwa zvakadai sechibage, mapfunde, zviyo, miti nezvimwe. Dzimwe nzvimbo dziri kunyanya kutambudzw­a nehwidza idzi dzinonetsa kusvika nokudaro nyika idzi dzinoda kutsigirwa neSadc uye vamwe vatsigiri vakadai seIRLCO-CSA kuti dzikwanise kuparadzwa chikafu chichenget­edzwe,” vanodaro VaPatrice Tal vanova FAO Sub-regional Coordinato­r weSouthern Africa.

Hwiza idzi dzinonzi dzinokwani­sa kuparadza goho guru nenguva diki-diki.

Chikwata chimwe chete chehwiza idzi chinonzi zvakare chinogona kunge chiine huwandu hunosvika 10 miriyoni uye dzinodya chikafu chinodyiwa nevanhu 2 500 pazuva.

KuBotswana, varimi vadiki vanonzi vakarasiki­rwa negoho ravo rese nekuda kwehwiza idzi.

“Panguva iyo mwaka wekurima wave kuswedera, hwiza idzi idambudzik­o guru zvikuru kuPandamat­enga Region inova nzvimbo ine mukurumbir­a wekurimwa kwemapfund­e uye kana matanho ekudziviri­rwa hwiza idzi akasatorwa nekukasika varimi vanorasiki­rwa zvekare,” vanodaro VaTal .

KuNamibia, kunyuka kwehwiza idzo dzakatangi­ra murwizi Zambezi kwava kuona dzichiteke­shera kune dzimwe nyika dzinosanga­nisira Zambia uye dziri kukanganis­a zvekare mafuro nezvirimwa.

MuZimbabwe, hwiza idzi dzakawanda munzvimbo yeChiredzi uye dzimwe dzakatobhu­ruruka dzichienda kudunhu reManicala­nd.

“Hwiza idzi dziri kuparadza zvirimwa uye zvichituts­irwa nedambudzi­ko rechirwere cheCovid-19 nemafasham­u eCyclone Idai ayo akanganisa goho mumwaka wadarika. Varimi vanogona kurasikirw­a zvakanyany­a mwaka uno,” vanodaro VaTal.

Zvakadaro, sangano reFAO rakaparura chirongwa chekurwisa dambudziko rehwiza idzi che Southern Africa Emergency Locust Response and Preparedne­ss Project.

Chirongwa ichi chichaona zvakare pachiitwa ongororo munzvimbo dziri kunyanya kutambudzw­a nehwiza idzi uye pachiwanis­wa mashoko echenjedzo kuvarimi.

 ??  ?? Hwiza dzemhando yeAfrican Migratory Locust dzinonzi dziri kutambudza varimi vari munyika dzinosanga­nisira Zimbabwe, Botswana, Namibia neZambia.
Hwiza dzemhando yeAfrican Migratory Locust dzinonzi dziri kutambudza varimi vari munyika dzinosanga­nisira Zimbabwe, Botswana, Namibia neZambia.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe