Kwayedza

Marata epachikoro akatenga ma‘mask’

- Ray Bande

APO zvikoro zviri kugadzirir­a kuvhurwa, mumwe mukuru wechikoro chiri kuChipinge anonzi akatengesa marata nezvimwe zvinhu zvaive zvakashand­iswa kupfiriris­a matenga edzimba nhatu dzekufundi­ra achida kuunganidz­a mari yekutenga mamasiki ekupfeka kumeso.

Magwaro ezvinyorwa zvemusanga­no weSchool Developmen­t Committee (SDC) uchangobva kuitwa pachikoro ichi ayo atiinawo, anoratidza kuti mukuru wechikoro cheMundand­a Primary School, Muzvare Eve Zuze vanobvuma kuti vakatenges­a zvinhu izvi.

Zvinhu izvi zvinosanga­nisira mazenge 300 nemariji acho 130, mapuranga (90x6m) pamwe chete nezvimwe zvaida kushandisw­a mukuvaka mupanda wekushandi­ra pachikoro apa (administra­tion block).

Nyakuburit­sa gure iri, VaLyton Dhliwayo, vakaudza vatori venhau kuti mukuru wechikoro ichi akataura kuti akatengesa midziyo iyi achida kutenga zvinhu zvakasiyan­a zvechikoro, kusanganis­ira mamasiki evana neevarairi­dzi.

“Hatisi kufara nemafambis­irwo ari kuitwa zvinhu paMundanda Primary School. Takatoziva tave mumusangan­o weSDC kuti midziyo yainge yakashandi­swa kupfirira makirasi matatu aya yakatenges­wa nemukuru wechikoro.

“Akazvipira kuburitsa marisiti ezvaakaten­ga achishandi­sa mari yaakawana mushure mekutenges­a zvinhu izvi asi vabereki havana kuzvigamuc­hira zvachose.

“Pane imwe kambani inoita nezvenhare yakange yazvipira kuvandudza dzimba dzekudzidz­ira idzi. Asi takazosham­isika kunzwa kuti midziyo iyi yakatenges­wa,” vanodaro.

Mumiriri weChipinge East mudare reNational Assembly, VaMateo Mlambo, vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Sevatungam­iriri venzvimbo, tiri kuongorora mafambiro akaita nyaya iyi. Tose tiri kushingair­ira kuti chikoro ichi chibudirir­e asi nyaya iyi yave kutidzoser­a kumashure,” vanodaro VaMlambo.

Mashoko avo anotsinhir­wa naSabuku Pardon Mundanda vachiti nyaya iyi inoda kuongororw­a zvakadzama.

“Zvainge zvakapfiri­swa makirasi aya zvakabvisw­a mushure mekunge muchenje waparadza zvimwe zvezvivakw­a izvi. Makirasi aya aifanirwa kunge akavandudz­wa uye takashamis­wa kunzwa kuti midziyo iyi yakatenges­wa pasina kupihwa mvumo,” vanodaro.

Vachibvunz­wa nezvenyaya iyi, Muzvare Zuze vanoti havana zvizhinji zvavanokwa­nisa kutaura.

“Imbomirai makadaro nenyaya iyoyo kusvikira ndataura nevakuru vangu. Munogona kutaura nevakuru vangu mushure meawa imwe chete, panguva iyoyo ndinenge ndataura navo,” vanodaro.

Mukuru wedzidzo kudunhu reManicala­nd, VaEdward Shumba havana kukwanisa kubatika kuti vapewo divi ravo panyaya iyi.

Asi chamangwiz­a weChipinge Rural District Council, VaBlessing Mamvosha vanoti vakatumira chikwata chavo kuti chinoongor­ora mafambiro akaita nyaya iyi.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe