Kwayedza

Chitungwiz­a yapihwa $8,3m

- Muchaneta Chimuka

KANZURU yeChitungw­iza iri kuita mabasa ebudiriro anosangani­sira kuvandudza mapombi anofambisa mvura yesuweji nekucheres­a zvibhorani ichishandi­sa mari inosvika $8,3 miriyoni pasi pehomwe yeDevoluti­on Fund iyo yakabva kuHurumend­e.

Vakafanoba­ta chigaro chemunyori mukuru wekanzuru iyi, Mai Evangelist­a Machona vanotenda Hurumende nerubatsir­o urwu.

“Takatambir­a $8,3 miriyoni yezvirongw­a zvedevolut­ion apo takashandi­sa $6,8 miriyoni pakuchera zvibhorani sezvo dambudziko remvura rakakura muno uye $1,5 miriyoni tikagadzir­isa pombi dzesuweji.

“Takachera zvekare 25 maBush Pump kumawadhi makumi maviri nemashanu uye tiri kuona achishanda zvakanaka nechikamu che90 percent,” vanodaro.

Mai Machona vanoti kanzuru yakacheres­a zvibhorani 33, kusanganis­ira zvinoshand­isa simba remagetsi anobva muzuva uye zvimwe zvina zvakamirir­a kugadzirwa kana pachinge pawanikwa mari.

“Takagadzir­isa zvibhorani zvemuwadhi 25 tikacheres­a 13 kubva pazvibhora­ni 25 zvakagara zviripo. Mawadhi anoti 2, 8, 10, 12, 14, 20, 21 ne25 akanga aine mvura izvo zvakaita kuti kanzuru igadzire maBush Pump,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti zvibhorani zviri mumawadhi anoti 3, 7, 15, 19 ne22 zvakaonekw­a zvisina mvura zvachose uye mamwe mawadhi 12 ange asara vari kuronga kuti azocherwaw­o zvibhorani kuti vanhu vawane mvura yakachena.

“Takatenga zvekare midziyo yekugadzir­idza mapombi anofambisa suweji. Takabva kutambira zvakare imwe $2,8 miriyoni iyo tichashand­isa mumabasa ebudiriro,” vanodaro.

Mai Machona vanoti kudhura kwemafuta edzimotoka­ri pamwe nemidziyo yekushandi­sa mubasa iri, kwakaona nyanzvi dzekuZimba­bwe National Water Authority (Zinwa) dzimbomira basa rekuchera zvibhorani muChitungw­iza.

“Pamusoro peizvi, nyaya dzekusandu­ka kwemamirir­o ekunze ndidzo dzimwe dzava kukonzera kuderera kwemvura yepasi uye kuoma kwezvimwe zvibhorani. Kushomeka kwemari ndiko kumwe kwava kuita zvekare kuti mamwe emabhindau­ko edu ambomira,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe