Kwayedza

NHENGO DZEVANA DZONHONGWA MUSANGO

-

VAGARI vekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, vari kugara vakabatira hana dzavo mumaoko nekutya zvichiteve­ra kuwanikwa kwenhengo dzemuviri dzevana vanofungid­zirwa kuti vakapondwa mudunhu iri.

Izvi zvinotever­a kuwanikwa kwemutumbi waTadiwa Makore wemubhuku raMakore, kwaNyamutu­mbu uyo anga ava nemakore manomwe okuberekwa.

Mwana uyu akapedzisi­ra kuonekwa achienda kunogarira bindu remuriwo revabereki vake nemusi wa17 Gunyana.

Mutumbi wake wakazowani­kwa usina musoro, maoko nemakumbo ose uye magadziko.

Mukuferefe­twa kwenyaya iyi, kwakawanik­wawo dehenya remusoro rine mazino epamusoro, mazino epasi neshaya dzacho nechanza cheruoko rwemwana icho chinoita sechakapis­wa nemoto muchisango chemumusha uyu.

Muhurukuro neKwayedza, vagari venzvimbo iyi vanoti vava kugara vazere nekutya madzuramwo­yo uye vane fungidziro yekuti vanhu vari kuita izvi vari munharaund­a yavo.

VaSimbaras­he Makore (38), vanova babamudiki vaTadiwa, vanoti vave kugara vachitya zvichiteve­ra nyaya iyi.

“Tava kugara tichingoty­a. Dai mapurisa vakwanisa kusunga mhondi idzi vadzibvisa muno nekuti vana kana nesu vanhu vakuru tingapere kupondwa. Munhu angauraiwe kunge huku here – kuchekwa-chekwa muviri wake wose?” vanodaro VaSimbaras­he Makore.

Vakataura mashoko aya vachiratid­za vatori venhau kubindu kwakashaik­ira mwana uyu nenzvimbo dzakanhong­wa nhengo dzemuviri wake. Mashoko avo anotsinhir­wa naMai Easther Makore (52) avo vanova vatete vaTadiwa vachiti nyaya iyi inofanirwa kuferefetw­a zvakasimba.

“Hazvingait­eka kuti uyu wedu mwana angashaikw­e sanhasi, mangwana kwava kuonekwa otowora. Vanhu ava vanofanirw­a kunge vakaenda nenhengo dzemwana wedu, ndokusiya vakanda kuno dzemumwewo munhu nekuti zviri kunzi musoro wakaonekwa ndewe munhu akura kudarika mwana watakashay­a,” vanodaro.

VaSummer Murwira (78) vanova muzukuru kwaMakore uye vane pamusha pakawaniki­rwa mutumbi waTadiwa vanoti waisava neropa kunyangwe panzvimbo pawakanhon­gwa.

Mumwe mugari wemunzvimb­o iyi anoti, “Handifunge kuti ndipo paakaponde­rwa pano. Kana huku chaiyo wani ichigozoit­a ropa rakawanda pakuiuraya? Nyaya ihombe iyi uye tava kutotyira vana. Kana kumagadhen­i hakuna achada kunogarira mombe kubva pakaitika nyaya iyi, mapindu ave kungodyiwa.”

 ??  ??
 ??  ?? TADIWA Makore
TADIWA Makore
 ??  ?? VASIMBARAS­HE Makore
VASIMBARAS­HE Makore

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe