NHENGO DZEVANA DZONHONGWA MUSANGO
VAGARI vekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, vari kugara vakabatira hana dzavo mumaoko nekutya zvichitevera kuwanikwa kwenhengo dzemuviri dzevana vanofungidzirwa kuti vakapondwa mudunhu iri.
Izvi zvinotevera kuwanikwa kwemutumbi waTadiwa Makore wemubhuku raMakore, kwaNyamutumbu uyo anga ava nemakore manomwe okuberekwa.
Mwana uyu akapedzisira kuonekwa achienda kunogarira bindu remuriwo revabereki vake nemusi wa17 Gunyana.
Mutumbi wake wakazowanikwa usina musoro, maoko nemakumbo ose uye magadziko.
Mukuferefetwa kwenyaya iyi, kwakawanikwawo dehenya remusoro rine mazino epamusoro, mazino epasi neshaya dzacho nechanza cheruoko rwemwana icho chinoita sechakapiswa nemoto muchisango chemumusha uyu.
Muhurukuro neKwayedza, vagari venzvimbo iyi vanoti vava kugara vazere nekutya madzuramwoyo uye vane fungidziro yekuti vanhu vari kuita izvi vari munharaunda yavo.
VaSimbarashe Makore (38), vanova babamudiki vaTadiwa, vanoti vave kugara vachitya zvichitevera nyaya iyi.
“Tava kugara tichingotya. Dai mapurisa vakwanisa kusunga mhondi idzi vadzibvisa muno nekuti vana kana nesu vanhu vakuru tingapere kupondwa. Munhu angauraiwe kunge huku here – kuchekwa-chekwa muviri wake wose?” vanodaro VaSimbarashe Makore.
Vakataura mashoko aya vachiratidza vatori venhau kubindu kwakashaikira mwana uyu nenzvimbo dzakanhongwa nhengo dzemuviri wake. Mashoko avo anotsinhirwa naMai Easther Makore (52) avo vanova vatete vaTadiwa vachiti nyaya iyi inofanirwa kuferefetwa zvakasimba.
“Hazvingaiteka kuti uyu wedu mwana angashaikwe sanhasi, mangwana kwava kuonekwa otowora. Vanhu ava vanofanirwa kunge vakaenda nenhengo dzemwana wedu, ndokusiya vakanda kuno dzemumwewo munhu nekuti zviri kunzi musoro wakaonekwa ndewe munhu akura kudarika mwana watakashaya,” vanodaro.
VaSummer Murwira (78) vanova muzukuru kwaMakore uye vane pamusha pakawanikirwa mutumbi waTadiwa vanoti waisava neropa kunyangwe panzvimbo pawakanhongwa.
Mumwe mugari wemunzvimbo iyi anoti, “Handifunge kuti ndipo paakaponderwa pano. Kana huku chaiyo wani ichigozoita ropa rakawanda pakuiuraya? Nyaya ihombe iyi uye tava kutotyira vana. Kana kumagadheni hakuna achada kunogarira mombe kubva pakaitika nyaya iyi, mapindu ave kungodyiwa.”