Kwayedza

Covid-19 yasunga zvinhu: Katsande

- Abel Ndooka

MUTAMBI weKaizer Chiefs yekuSouth Africa, Willard Katsande, anoti asuwa zvikuru nhabvu zvekuti kana akanzi atambe munhandare isina vatsigiri anoenda achimhanya.

Pasi rose nhabvu yakambenge yamiswa nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 icho chauraya vanhu vakawanda asi kune dzimwe nyika dziri kuEurope mutambo uyu wave kutambwa munhandare dzisina vatsigiri. Katsande anoti kuSouth Africa vachiri kuita gadziriro yenhabvu vari kudzimba dzavo.

“Zvamunongo­ziva nhabvu ndiwo hupenyu hwangu, inondirara­misa saka kana tisingatam­be hazvitifam­bire. Isu takaita rombo rakanaka kuti tinobhadha­rwa kutamba mutambo watinoda saka kana nhabvu isiri kutambwa tinonzwa kusurukirw­a zvikuru.

“Chokwadi mutambo uyu ndausuwa zvikuru nekuti ndiwo hupenyu hwangu. Hupenyu hwedu hausi kufamba zvakanaka nekuti nhabvu haisi kutambwa,” anodaro.

Anoti kana mutambo uyu kuSouth Africa ukanzi uchitanga kutambwa pasina vatsigiri haaone chakaipa.

“Ini kana zvikanzi nhabvu idzoke izvezvi ndingafare, ndogona kutamba pasina vatsigiri nekuti tinoziva basa redu uye chikuru kupedzisa mitambo yange yasara muPSL,” anodaro Katsande.

KuSouth Africa, hurumende yeko yakapa mvumo yekuti mutambo wenhabvu uchitanga kutambwa nekudaro zvikwata zveko zviri pakati pehurukuro nehutungam­iri hwePSL kuti vaone nzira dzekuteved­za mukudzora mutambo uyu.

Pakamiswa nhabvu kunyika iyi, chikwata chaKatsand­e cheKaizer Chiefs - icho chinotambi­rwa zvekare naKhama Billiat - ndicho chaitungam­ira palog chiine zvibodzwa 48 kubva mumitambo 22 yachange chatamba.

Chikwata ichi chasarirwa nemitambo misere kuti ABSA Premiershi­p ipere.

Kana nhabvu ikadzoswa chikakwani­sa kuhwina yese misere yasara chinobva chatora mukombe uyu uyo chakapedzi­sira kuhwina mumwaka wa201415.

 ??  ?? Willard Katsande
Willard Katsande

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe