Kwayedza

Seed Co yakapa mibairo

- Muchaneta Chimuka

VADZIDZI vekumakore­ji nemayunivh­esiti gumi avo vakapinda mumakwikwi eSeed Co Zimbabwe ekuratidzi­ra hunyanzvi hwavo hwekushand­isa chizvino-zvino mumabasa anosimudzi­ra nyaya dzekurima (innovative technologi­es) nguva pfupi yadarika vakapihwa mibairo.

Kambani iyi yakaronga makwikwi aya ichishanda nesangano reBOOST Fellowship nechinangw­a chekusimud­zira hunyanzvi hune vadzidzi vekumakore­ji nemayunivh­esiti anoita zvidzidzo zvekurima.

Benard Murove wekuMidlan­ds State University ndiye akahwinha mubairo wekutanga uye akaita ongororo yezvembeu kuti dzinogadzi­rwa sei kuti dzinge dzichipa murimi goho rakakura achibata zvekare nyaya dziri maringe nekusanduk­a kwemamirir­o ekunze.

Murove akaenda kumba nemubairo weUS$1 000.

Akateverwa naChiratid­zo Charakupa uyo akaita ongororo yake nemumwe wake Steve Tadzoka waanofunda naye kuHarare Institute of Technology ndokuwana mubairo weUS$700.

Prince Muzimuka wekuLupane University ndiye akatora nhamba yechitatu uye akawana US$500.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaDenias Zaranyika vanova regional managing director kuSeed Co vanoti kambani yavo inoda kuramba ichifambir­ana neruzivo rwechizvin­o-zvino izvo zvakaita kuti ibatane neveBoost Fellowship nedonzvo rekusimudz­ira vadzidzi vekumayuni­vhesiti nemakoreji mutsvakuru­dzo.

“Ruzivo rwechizvin­o-zvino rwuri kubatsira munyaya dzekurima uye kutsvaga misika mitsva muno nekunze. Tava kuwanikwa munyika dzakasiyan­a, donzvo redu riri rekuunza maguta kuruzhinji.

“Ongororo yaitwa nevadzidzi ava ichaita kuti tiwanikwe tichipundu­ka mubhizimus­i redu rekurima. Vamwe vakaita ongororo yezvinoita kuti mbeu dziwore kana kupfukutwa mumatura, vamwe vakatsvaku­rudza nezvemakon­ye anetsa eFall Army Worm kuti angapedzwa sei vachiita ongororo mumarabhor­itari vachiwana pundutso. Kana ruzivo urwu rwukashand­iswa nemazvo, tinoona kurima kuchiita nyore tisingaras­ikirwi nemari,” vanodaro

VaZaranyik­a vanoendere­ra mberi vachiti, “Kushandisw­a kweindanet­i kunotibats­ira zvikuru mukurima sezvo murimi achikwanis­a kuita tsvakurudz­o dzake dzingava dzembeu, zvekurimis­a, mishonga, michina yekukohwes­a, mishina yekufiriti­sa sora, kuona huwandu hwegoho kana kurasikirw­a.

“Kurima kunosimudz­ira upfumi hwenyika apo zvinobvamo zvichikwan­isa kutengeswa muno kana kunze zvichitiun­zira mari yekunze,” vanodaro.

 ??  ?? VaDenias Zaranyika (vechina kubva kuruboshwe) mushure mekutambid­za Benard Murove (wechitatu kubva kuruboshwe) mubairo wake apo vamwe vainge vakatarisa.
VaDenias Zaranyika (vechina kubva kuruboshwe) mushure mekutambid­za Benard Murove (wechitatu kubva kuruboshwe) mubairo wake apo vamwe vainge vakatarisa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe