Kwayedza

Tikatevedz­era zvinoita bedzi

-

VANHU vemuZimbab­we vapinda musvondo rechipiri vatanga chirongwa chekugara mudzimba kwemazuva 21 nedonzvo rekuedza kumisa kutapurira­na nekuparari­ra kwechirwer­e chabata nekuuraya vanhu vakawandis­a pasi rose – cheCovid-19.

Danho iri rakatorwa neHurumend­e mushure mekunge yanyatsoon­gorora ikagutsika­na kuti izvi ndizvo zvinonakir­a munhu wose nekuti zvakananga kuponesa veruzhinji.

Musvondo rekutanga, veruzhinji vakanyatso­tevedzera zvisungo zvekugara mudzimba kwemazuva 21 nemazvo. Izvi zvinotendw­a!

Ndokusaka mutungamir­i wenyika President Mnangagwa — mumashoko avo kunyika — vakatenda vanhu venyika ino nekuzvibat­a kwavari kuita pakutevedz­a zvinodiwa.

Muri kuita zvakanaka vanhu vemuZimbab­we! Hongu kune vamwewo, hameno kuti vanoda kuudzwa neakaita sei, avo vanotyora mirawo iri pamusoro pemazuva 21 aya.

Ivava ndivo vachakanga­nisira nyika. Nekuti kutadza kwavo kunogona kuita kuti chirwere cheCovid-19 chinetse kumisa kupararira kwacho. Zvoguma zvorwadza nyika yose.

Dzimwe nyika seChina — uko kwakatanga kuonekwa chirwere ichi pakunopera kwegore ra2019 — dzakanyats­otevedzera zvinokurud­zirwa nenyanzvi dzezveutan­o. Nhasi uno vari papi? Vava muchereche­dzo wakanaka wekuti coronaviru­s inogona kukundwa nekuti vanhu veko vakaterera ndokuteved­zera zvavainzi vaite kurwisa denda iri.

Zvino isu vemuZimbab­we tozorwadzi­wa nekutevedz­era kwemazuva 21 chete?

Masvondo matatu bedzi asi dzimwe nyika dzichiita mwedzi nemwedzi kusina anofamba?

Ngatingosh­ingirirai ndiko kuti tikunde. Svondo rinouya totopinda muvhiki rechitatu. Ipapa ndipo pane nyaya!

Vamwe vanenge voda kuita madiro aJojina vachisiya kutevedzer­a zviri kukurudzir­wa neHurumend­e. Rwendo rwagara rwunorema wave kuda kusvika, saka ngatipangw­arirei.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe manga mawanikwa vanhu gumi nemumwe vane Covid-19 – apo vaviri vavo vakatoshai­ka.

Kutevedzer­a zviri kukurudzir­wa neHurumend­e nevanoona nezveutano kunobatsir­a pakuti huwandu uhu husakwire zvakanyany­a zvichiita kuti upenyu hwevanhu huchengete­dzwe. Zvinoreva kuti iwewe neni — kwete Hurumende bedzi — tine basa guru.

Ngatirambe takazvibat­a, tigare mudzimba dzedu kwete kufamba-famba, tichikoshe­sa hutsanana nekugeza maoko nesipo achichena.

Kana wanzwa kupindwa nechando kana dzihwa, chikosoro kana maronda pahuro, kasika kuenda kuchipatar­a kana kwachiremb­a.

Covid-19 handi yekuita jee nayo — inouraya. Chirwere ichi hachisati chawanirwa mushonga unochirapa.

Asi zvinodered­za marwadzo kuti munhu ararame zviripo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe