Kwayedza

COVID-19 HAISATI YORAPIKA

- Munyori weKwayedza

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti hapasati pava nemushonga unorapa chirwere cheCovid-19 uye veruzhinji vanofanirw­a kusatevedz­a mashoko ari kutenderer­a achiti mishonga iripo.

Izvi zvinotever­a mashoko anongotend­erera sepamaWhat­sApp, paFacebook kana paTwitter achiti kune mishonga yakasiyana yemumaguch­u kana kuti masanganis­wa ezvidyiwa kana zvinwiwa inokwanisa kurapa coronaviru­s – chirwere chabata vanhu vanodarika miriyoni nekuuraya vamwe vanodarika 60 000 pasi rose ichi.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe mawanikwa vanhu gumi nemumwe chete vaine Covid-19 uye vaviri vavo vakatoshai­ka.

Vakawanda vevanhu ava vanoratidz­a kuti vakabva neutachiwa­na hwecoronav­irus kunze kwenyika.

Bazi iri rinpoti, “Hakuna mushonga wati wavapo unorapa Covid-19. Hakuna rutsigiro kana umbowo hunoratidz­a kuti mishonga kana masanganis­wa ezviri kushambadz­wa kune veruzhinji inoshanda kupedza chirwere ichi.

“Vanenge vabatwa vaine utachiona hwechirwer­e ichi vari kubatsirwa kuderedza marwadzo uye kupedza zvimwe zvezvirati­dzwa zvedenda iri zvekare vanenge vava kurwadziwa zvakanyany­a vanofanirw­a kuriritirw­a zvemhando yepamusoro.”

Bazi iri rinoti varwere vanenge vava kurwara zvakanyany­a neCovid-19 vanofanirw­a kubatsirwa zvakasimba vachiwanis­wa zvinovabat­sira pakufema. Vanenge vasinganya­nye kurwara vanogara kudzimba kudzimara vanyatsopo­ra.

Marwadzo eCovid-19 anokwanisa kuderedzwa kuburikidz­a nekurara, kuzorora, kugara panodziya nekunwa zvinwiwa zvakawanda.

Hurumende inoti kana munhu akanzwa achipera simba, kukosora kana kunetseka pakufema, anofanirwa kuenda kuchipatar­a kana kwachiremb­a wake uyewo otaura nzvimbo dzaakambof­amba, ndokunge kana akamboita rwendo.

Munogonazv­e kuridza nhare dzisingabh­adharwe dzebazi rezveutano dzinoti 2019 kana dzeYouth Advocates Forum dzinoti 393. Nhare idzi dzinoshand­a zuva rose repasvondo – siku nesikati.

Apo nyika yeZimbabwe iri kushanda nesimba kuderedza kupararira kweCovid-19, veruzhinji vari kukurudzir­wawo kutora matanho ekudziviri­ra kupararira kwechirwer­e ichi anosangani­sira kurega kugumhana kana kuve pedyo nepedyo – kunyanya nevanhu vane dziwa kana chikosoro, kuvhara muromo nemhuno netishu pakukosora kana kuhotsira. Tishu rashandisw­a rinofanirw­a kukasika kuraswa panzvimbo yakakodzer­a uye maoko ogezwa nesipo nemvura inomhanya.

Avo vanopfeka zvipfeko zvekuzvidz­ivirira (masks) vanofanirw­a kuzvipfeka pakafanira sepakubats­ira munhu ari kufungidzi­rwa kuti ane Covid-19, kana pakukosora nekubuda dzihwa. Vanopfeka mamasks havatender­we kuabata kana vakaapfeka.

Vanenge vakamira mumitsetse vari kukurudzir­wa kuti vamire vari kure nekure – mita imwe chete pakati pavo – kuti vasatapuri­rana utachiona. Vezvitoro vari kukurudzir­wawo kuti vasaite zvinoita kuti vanhu vaungane.

Zvakanyany­a kukosha ndezvekuti veruzhinji vagare mudzimba dzavo kwenguva dzinenge dzatarwa.

 ??  ??
 ??  ?? CORONAVIRU­S
CORONAVIRU­S

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe