COVID-19 HAISATI YORAPIKA
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti hapasati pava nemushonga unorapa chirwere cheCovid-19 uye veruzhinji vanofanirwa kusatevedza mashoko ari kutenderera achiti mishonga iripo.
Izvi zvinotevera mashoko anongotenderera sepamaWhatsApp, paFacebook kana paTwitter achiti kune mishonga yakasiyana yemumaguchu kana kuti masanganiswa ezvidyiwa kana zvinwiwa inokwanisa kurapa coronavirus – chirwere chabata vanhu vanodarika miriyoni nekuuraya vamwe vanodarika 60 000 pasi rose ichi.
Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe mawanikwa vanhu gumi nemumwe chete vaine Covid-19 uye vaviri vavo vakatoshaika.
Vakawanda vevanhu ava vanoratidza kuti vakabva neutachiwana hwecoronavirus kunze kwenyika.
Bazi iri rinpoti, “Hakuna mushonga wati wavapo unorapa Covid-19. Hakuna rutsigiro kana umbowo hunoratidza kuti mishonga kana masanganiswa ezviri kushambadzwa kune veruzhinji inoshanda kupedza chirwere ichi.
“Vanenge vabatwa vaine utachiona hwechirwere ichi vari kubatsirwa kuderedza marwadzo uye kupedza zvimwe zvezviratidzwa zvedenda iri zvekare vanenge vava kurwadziwa zvakanyanya vanofanirwa kuriritirwa zvemhando yepamusoro.”
Bazi iri rinoti varwere vanenge vava kurwara zvakanyanya neCovid-19 vanofanirwa kubatsirwa zvakasimba vachiwaniswa zvinovabatsira pakufema. Vanenge vasinganyanye kurwara vanogara kudzimba kudzimara vanyatsopora.
Marwadzo eCovid-19 anokwanisa kuderedzwa kuburikidza nekurara, kuzorora, kugara panodziya nekunwa zvinwiwa zvakawanda.
Hurumende inoti kana munhu akanzwa achipera simba, kukosora kana kunetseka pakufema, anofanirwa kuenda kuchipatara kana kwachiremba wake uyewo otaura nzvimbo dzaakambofamba, ndokunge kana akamboita rwendo.
Munogonazve kuridza nhare dzisingabhadharwe dzebazi rezveutano dzinoti 2019 kana dzeYouth Advocates Forum dzinoti 393. Nhare idzi dzinoshanda zuva rose repasvondo – siku nesikati.
Apo nyika yeZimbabwe iri kushanda nesimba kuderedza kupararira kweCovid-19, veruzhinji vari kukurudzirwawo kutora matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi anosanganisira kurega kugumhana kana kuve pedyo nepedyo – kunyanya nevanhu vane dziwa kana chikosoro, kuvhara muromo nemhuno netishu pakukosora kana kuhotsira. Tishu rashandiswa rinofanirwa kukasika kuraswa panzvimbo yakakodzera uye maoko ogezwa nesipo nemvura inomhanya.
Avo vanopfeka zvipfeko zvekuzvidzivirira (masks) vanofanirwa kuzvipfeka pakafanira sepakubatsira munhu ari kufungidzirwa kuti ane Covid-19, kana pakukosora nekubuda dzihwa. Vanopfeka mamasks havatenderwe kuabata kana vakaapfeka.
Vanenge vakamira mumitsetse vari kukurudzirwa kuti vamire vari kure nekure – mita imwe chete pakati pavo – kuti vasatapurirana utachiona. Vezvitoro vari kukurudzirwawo kuti vasaite zvinoita kuti vanhu vaungane.
Zvakanyanya kukosha ndezvekuti veruzhinji vagare mudzimba dzavo kwenguva dzinenge dzatarwa.