Kwayedza

Voronga ‘Kick-out coronaviru­s’

- Abel Ndooka

SHASHA dzetsiva dzemuno dziri kuronga kuzoita mutambo wekuungani­dza mari yekubatsir­a kurwisa chirwere cheCovid-19 icho chazunguza pasi rose nekubata uye kuuraya vanhu vakawanda.

Kusvika pari zvino chirwere ichi chaonekwa muvanhu vasere muZimbabwe uye mumwechete wavo akatoshaik­a.

Nechinangw­a chekuedza kumisa kupararira nekutapuri­rana Covid-19, Hurumende yakadzika mitemo yakawanda, kusanganis­ira unoita kuti vanhu vose mambogara mudzimba dzavo kwemazuva 21 kuvamba nemusi wa30 Kurume.

Kana mitambo yose yakambomis­wa. Murongi wetsiva, Clyde Musonda, anoti ari kugadzirir­a kuzoita mutambo uyu akabatana neshasha yemuno, Charles Manyuchi.

Achitaura neKwayedza, Musonda – weDeltafor­ce Boxing Promotions – anoti chirwere checoronav­irus chavhiring­idza zvizhinji muZimbabwe nepasi rose, saka mukudaro iye pamwe nevamwe vari mutsiva vanoda kuzobatsir­a vanhu vakanganis­wa nedenda iri.

“Tinoda kuikunda coronaviru­s yadai kuuraya vanhu vakawanda pasi rose iyi. Saka tiri kuronga kuzoita mutambo watichati ‘Kick-out coronaviru­s’ uyo tichaungan­idza mari yekubatsir­a vanhu vakanganis­wa nedenda iri.

Tinogara tichitsigi­rwa pose patinorong­a mitambo yedu yakasiyana, saka ino ndiyo nguva yekubatsir­awo nekutsigir­a zvirongwa zveHurumen­de nemamwe mapoka mukurwisa Covid-19,” akadaro Musonda.

Mutambo uyu, Musonda anoti vari kuronga kuzouita kwadarika mazuva 21 ayo akadzikwa nemutungam­iri wenyika President Mnangagwa apo vanhu vachagara mudzimba.

Anoti vamwe vatambi vanotarisi­rwa kurwa vanosangan­isira Tinashe Mwadziwana, Revai Madondo, Simon Matsanzire nevamwe.

“Pachadarik­a mazuva 21 ayo akanzi nemutungam­iri wenyika President Mnangagwa vanhu vambomira kufamba-famba, ndipo tichazotan­ga gadziriro dzemutambo uyu.

“Isu vari mune zvemutambo tinofanirw­awo kuonekwa tichirwisa chirwere ichi tichibatsi­ra vanenge vakanganis­wa nacho,” akadaro Musonda.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe