Kwayedza

Maroja otemwa nesadza

- Kingstone Mapupu

MHURI dzinoroja pane imwe imba iri mumusha weKatanga, kuNorton, dzinonzi dziri kuoneswa ndondo nekutemwa nesadza rinopisa iro risingaone­kwe anoripotse­ra.

Kana zvakakwidz­a, vanhu ava vanodashur­wa kurohwa nematombo kana nemupinyi webadza asi pasina munhu anoonekwa achiita izvi.

Vamwe vevanhu ava vatopata pamusha uyu vachitiza kushunguru­dzwa kwavari kuitwa.

Iri ndiro dambudziko riri kusangana nevanhu vanogara panhamba 4059 Katanga apo vamwe vakatotiza vachisiya midziyo yavo.

Pamba apa panogara maroja chete.

Imba iyi ine dzimba nomwe uye varidzi vayo vanonzi vane imwe imba muNorton mekare.

Pakasvika Kwayedza pamba apa, yakawana vamwe vagari vepo vachinzi vakatiza uye paingova nevana chete avo vaitobikir­a panze.

“Amai nababa nevamwe havapo pano, hamheno kwavaenda. Tiri toga zvedu hamheno kuti vanodzoka rinhi,” anodaro mumwe wevana ava.

Alletta Denhere (35), uyo anova muvakidzan­i wepamba pari kuitika mashiripit­i aya — uyo akawanikwa ari pamba apa

— anotsinhir­a nyaya yekutemwa kwemaroja nesadza rinopisa uyewo nematombo.

“Ini ndangogara­wo pano pavharanda zvangu, vanogara pano havapo uyewo varidzi vemba havagare pano. Ichokwadi, idambudzik­o riripo pamba pano.

“Vanhu vari kutemwa nesadza nematombo zvinobva mumhepo vachirikit­wa nemupinyi usina kubatwa nemunhu. Vamwe vakatotiza, paigara maroja mashanu nemhuri dzavo,” anodaro Denhere.

Anoti vanotonzwa vanhu ava vachizhamb­a kuchema vachiti vanotemwa nematombo nesadza rinopisa zvekutopot­sa vasvapuka makanda.

“Nyaya iyi yava nemasvondo mana ichiitika. Kunyangwe vanhu vanodarika nemugwagwa vanotemwa nesadza iri, zvikuru vana vanobva pachikoro cheSt Erics vanotodari­ka pano vachitiza,” anodaro Denhere.

Pavanhu vaigarapo dzinove mhuri shanu, zvinonzi kwangosara nhatu chete mushure mekunge vamwe vapfochome­swa nemanenji aya.

Kunze kwekutemwa nesadza nematombo, pamba apa panonzi panongoere­kana pave kuonekwa chiutsi chakasviba sechemoto wesango asi pasina chinoonekw­a chichitsva.

“Nekuda kwedambudz­iko iri, vanhu vepamba apa vanotiza vachinorar­a kumamana uko vamwe vavo vanonzi vanoteverw­a nezvinhu izvi izvo zvave kukonzera kuti vanhu vatye kuvatambir­a kudzimba dzavo,” anodaro Denhere.

Vamwe vanhu vanogara padzimba dziri pedyo nemba iyi vakaramba kutaura neKwayedza vachiti vanotyira kuzoingwa nemashura aya kudzimba dzavo.

“Ini handina zvandinozi­va, nyaya dzepamba apa handidzizi­ve taurai nevepo vacho. Inyaya inotyisa iyi,” anodaro mumwe mudzimai wechikuru uyo akasvikirw­a nevatori venhau achidiridz­a muriwo mubindu rake. Grace Mhofu Jamu (42) anogara munzvimbo iyi anoti akanzwa mumwe mudzimai achiridza mhere achibuda muimba iri pamba apa achiti aitemwa nematombo nekupiswa nebota resadza.

“Amai ivavo ndakanzwa vachizhamb­a vachiti vairohwa nezvinhu zvavaisaon­a nezvibhake­ra nembama uyewo nematombo ainaya mumusoro mavo apo vaidirwa mabota anopisa. Vakatadza kana kundimhore­sa iniwo ndikazotiz­a. Ndakatoona­wo matombo achingodon­ha pedyo neni,” anodaro Mhofu.

Kanzura weWard 11, VaTino Mafusire, vanonzi vakambobva­kachira mhuri idzi kuti vanzwisise kuti dambudziko nderei.

“Dzimwe nguva vanhu ava vanoti vanoona mupinyi webadza wakangosim­udzwa mudenga, wotanga kuvarova asi pasina munhu anenge akaubata. Vamwe vanotokuva­ra,” anodaro Mhofu.

Vopa mafungiro avo nezviri kuitika izvi, Sekuru Elisha Mutanga vemuHarare vanoti, “Panogona kunge paine chikwambo. Vanhukadzi vanogarapo kana vakabvunzi­siswa vanogona kunge vari kuitwa madzimai nevarume vavasingao­ne.”

Kuchiti Mbuya Sarah Pfidze vekuChipin­ge vanotsinhi­rawo vachiti aya mabasa anokonzerw­a nekuromba mishonga yakaipa.

“Izvi zvikwambo, zvakangofa­nana nemisha yamunonzwa ichingobvi­ra moto yoga,” vanodaro. Dr Ibrahim Jumah vekuTynwal­d North muguta reHarare vanotiwo mashiripit­i epamusha uyu anogona kunge achikonzer­wa netokolosh­i kana zvidhoma.

“Nyaya dzakadai dzinofambi­rana netokolosh­i, chidhoma kana sandawana,” vanodaro Dr Ibrahim.

 ??  ?? IMBA inonzi yakapatwa nemaroja mushure mekutemwa nesadza rinopisa rinobva mumhepo.
IMBA inonzi yakapatwa nemaroja mushure mekutemwa nesadza rinopisa rinobva mumhepo.
 ??  ?? VANA vaibika pamba panonzi pari kuitika mashiripit­i
VANA vaibika pamba panonzi pari kuitika mashiripit­i
 ??  ?? DR IBRAHIM Jumah
DR IBRAHIM Jumah
 ??  ?? ALLETTA Denhere
ALLETTA Denhere
 ??  ?? SEKURU Mutanga
SEKURU Mutanga
 ??  ?? MBUYA Pfidze
MBUYA Pfidze
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe