Kwayedza

Khan orongera Vargas

-

KUDZOKA kwaAmir Khan munhandare yetsiva kwakazivis­wa zvichiteve­ra kuhwina kwaakaita mumutambo wake wekupedzis­ira uyo waakakunda Phil Lo Greco muna Kubvumbi.

Khan achasangan­a naSamuel Vargas kuBirmingh­am musi waGunyana 8 apo ari kushanda kuti adzoke mutsiva arwe nevamwe vane mazita makuru mumutambo uyu.

Vargas — uyo anove chizvarwa chekuCanad­a — ndewechi10 pasi rose pashasha dzetsiva sezviri mumagwaro eWBA uye uyu achave mutambo mukuru kuna Khan uyo anokwikwid­za muboka rewelterwe­ight. Khan akavimbisa mutambo mukuru uyu achiti, “Chinhu chikuru chandainge ndakazvivi­mbisa gore rino kukwikwidz­a kakawanda pese pandinokwa­nisa, saka ndiri kufara kuti ndiri kudzoka munhandare nekuchimbi­dza kuzosangan­a naSamuel Vargas,” anodaro.

“Vargas mutambi akasimba ane tarenda uye akarwa nevamwe vatambi vakuru vanosangan­isira Danny Garcia naErrol Spence Jr.

“Ndinofanir­wa kudarika Vargas ndisati ndatanga kufunga zvemimwe mitambo iri kumberi mikuru. Handisi kuzotarisi­ra Vargas pasi nekuti ndinoziva acharwa nezvese zvaainazvo patiri kusangana.

“Ndinovimba kupa vatsigiri vekuBirmin­gham mufaro mukuru nemutambo unonakidza semutambo wangu wekupedzis­ira. Hausi wekuruza.”

Asi Vargas akavimbisa kurakasha Khan pavari kusangana mumutambo uyu achiti, “Inzwai mashoko angu, tingave tichibva munzvimbo imwe chete nenyika imwe chete asi handina kufanana naPhil Lo Greco icho ndicho chokwadi, Amir achazvione­ra hake.” — SportsMail boxing

 ??  ?? Samuel Vargas
Samuel Vargas

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe