Kwayedza

Kurima Broccoli zvine hunyanzvi

- . Clemence Mucharedze­yi murimisi wePrime Seed Co kuManicala­nd uye anobatika pa: 0718 409 761 Clemence Mucharedze­yi

NHOROONDO yechirimwa chinonzi Broccoli (Brassica Oleracia Var Italica) yakabva nekuItaly. Ichi chirimwa chinozikan­wa nekuva nekudya kunodzivir­ira muviri zvakanyany­a.

Broccoli inoda kurimwa munguva yekutonhor­era, asi inoita zvayo kana dai kunopisa.

Pakudyara, chirimwa ichi chinoda ivhu riri pakati nepakati pane iya inozi kutapira kwevhu 6.5. Mhando dzeBroccol­i dzinowanik­wa kuPrime Seed Co:

Kune inonzi Cigno F1. Mbeu iyi inokasika kuibva zvakanyany­a. Pamazuva 55 kusvika 60 inenge yatoita uye Broccoli yacho iri pakati nepakati. Kuritarisa rakaita semusana wenzou.

Imwe mhando iCorato F1. Ichi ndicho chikakarar­a chaicho, kunyanya kuisima nguva yekunaya kwemvura. Inoibva pamazuwa 70 asi mwana wacho akakura chaizvo, zvekurema 425g.

Kune imwe inonzi Montop F1 iyi yakasvibir­a uye yakaenzana vana vayo vose. Vana vacho vanoremawo kuita kana 400g kana ikanyatsa kusvika. Inoibva pamazuva 60.

Kana pari pambeu isaruraudz­e kuPrime Seed Co, pane imwezve inonzi Formoso F1. Aka kanoibva pamazuva 60. Iyi mbeu ine chimiro chemusana wenzou ichirema 425g.

Yekupedzis­ira iDainty F1. Iyi ndimupedza­zvose, inoibva pamazuwa 90 kusvika 100. Inotapira pakuidya uye ine chimiro chekunge musana wenzou.

Marimirwo eBroccoli:

Inoda kurimwa muivhu rakanaka, rinotanga rarimwa negejo, kwava kuzoisa hara.

Nguva yekusima Broccoli:

Rinoda kusimwa muchando kazhinji, ndipo parinonyat­sa kubuda zvakanaka. Saka kutanga munanaKubv­umbi varimi vanenge vototanga gadziriro dzekurima. Rinorimwa gore rese asi muchando ndimo marinonyan­ya kuita zvakanaka.

Kumwaya nhondo:

Mhondo dzechirimw­a ichi dzinobuda mushure memazuva manonwe dzadyarwa. Kana dzava nenemavhik­i matatu, dzinenge dzava kunyimwa mvura muchigadzi­rira kudzisima mumunda.

Fotereza:

Panoda 600kg dzeCompoun­d C iyo inoiswa yese pakusima. Fotereza dzepamusor­o dzinodiwa mhando imbiri, AN 300kg inoiswa pamasondo matatu madyara kozoita Sulphate of Potash 300kg inoiswa kutanga pamasondo mashanu kusvika manomwe madyara.

Zvirwere:

Mbeu dzeBroccol­i dzekuPrime Seed Co dzine hushingi hwakakomba saka hadzibatwe nhando nez- Kune inonzi Cigno F1. Mbeu iyi inokasika kuibva zvakanyany­a. Pamazuva 55 kusvika 60 inenge yatoita uye Broccoli yacho iri pakati nepakati. Kuritarisa rakaita semusana wenzou. . . virwere. Asi dzinongoda­wo kufiritwa nemishonga inonzi mafungicid­es. Mishonga iyi inoda kufiritwa kamwe pamavhiki mairi.

Kutengeswa:

Nhondo dzePrime Seed Co dzinongoto­ra mazuva mashoma kuti dzisvike pakuibva nekuti maHybrid. Kozotiwo kana yaibva inomboramb­a yakanaka iri mumunda muchimirir­a mutengo wakanaka. Mahybrid ane matambudzi­ko mashoma muzvirwere, misoro yeBroccoli yacho yakakura uye ichirema. Saka inobva yaita nyore kutengesa kumusika. Munocheka misoro yacho monyatsa kuirongedz­a zvakanaka mozoendesa kuzvitoro kana kumusika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe