Akaponda ‘girlfriend’ yababa
MURUME wechidiki wekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, anonzi akabatwa neshanje zvekusvika pakuponda shamwarikadzi yababa vake apo akavatevera mushure mekunge baba ava vapata musha ndokunogara kumba kwemukadzi uyu.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya iyi yakaitika husiku hwemusi wa23 Chikumi mubhuku raKwindima.
Vanoti Guarantee Gopito (22) ari kupomerwa mhosva yekuponda shamwarikadzi yababa vake, Doreen Kwindima (48) wemumusha waKwindima. Baba vaGuarantee, VaElijah Gopito (54), vanonzi vakapata musha ndokunogara kumba kwaKwindima uyo vaidanana naye.
“Mwanakomana uyu anonzi akabva kumba kwavo kuBudiriro, kuHarare, apo akasvikowana baba vake vasiko kumba, vatama kunogara naDoreen Kwindima. Mwana uyu anonzi akagumbuka nekuita kwababa vake ndokuvatevera kumba kwemudzimai uyu.
“Anonzi akavawana vachisasana zvavo nemudzimai wavo mutsva uyu, ndokukumbira baba vake kuti vadzoke kumba vachibva varamba,” vanodaro Asst Insp Mwanza.
Zvinonzi pakazoita kusawirirana pakati paGuarantee neshamwarikadzi yababa vake iyi achibva atanga kuirova nezvibhakera nebhutsu zvikaita kuti baba vake vapindire vachiedza kurandutsira.
“Doreen Kwindima akapukunyuka apo mwanakomana uyu akanga abatwa nababa vake ndokusara baba nemwana vachirwisana. Guarantee akazokwanisa kukurira baba vake pasimba, ndokutanga kumhanyisa mudzimai uyu, uyo akanobatira mumunda ndokumurova nematanda.
“Mudzimai uyu akaridza mhere kuti abatsirwe zvisina kunzwikwa, ndokurohwa kusvikira afenda,” vanodaro Asst Insp Mwanza.
Pakazosvika ruzhinji rwemumusha uyu, zvinonzi rwakawana mudzimai uyu akafenda zvikaita kuti Guarantee atize ave kutya kurwiswa nemhomho yevanhu.
Veruzhinji vanonzi vakamudzingirira ndokukwanisa kumubata vachibva vamuendesa kumapurisa ekwaMurehwa uko ari kubatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi.
Kwindima akaendeswa kukiriniki yekwaKadenge iri munzvimbo iyi uko akafa asati abatsirwa.
Mutumbi wake wakazoendeswa kuchipatara cheMurehwa uye waiva wakamirira kuongororwa namachiremba.
Asst Insp Mwanza vanoti kunyangwe vanhu vakatadzirana zvakadii, hapana ane mvumo yekurova mumwe kana kumuuraya.