Kwayedza

Tsanangudz­o yetsumo dzinoreva zvakafanan­a

- Ticha Danga

SEKUTSANAN­GUDZA kwandakait­a muchikamu chakapfuur­a kuti gudza retsumo zienda nakuenda ndaitoreve­sa nekuti kuti tigoti tapedza tsanangudz­o yetsumo dzese tinenge tichireva nhema.

Zvakakodze­ra kuti titore mukana uno kuti timbobata zvakare kachimedu ketsumo apo tinoendere­ra mberi tichibatan­idza dzinoreva zvimwechet­e nekupawo tsanangudz­o dzacho. Izvi tinoitira kuti tivake ugo hwemwana agokwanisa kuzozvinyo­rera ega rondedzero pasina anomubatsi­ra.

Vavariro ndeyekuti tiwane kuburitsa vana vane utesve hwekugona kuzvitangi­ra zvinyorwa zvavo vega pasina kana avabatsira vagokwikwi­dzana neZimbabwe yose inenge ichinyora bvunzo rechinomwe munaGumigu­ru wegore rino.

Zvinonzi “Panotamba machinda nherera sinyungwe.” Sinyungwe zvinoreva kuti suduruka kana simuka ubvepo. Inodyidzan­a neinoti, “Enda kumupanda wenyoka kwete kunavapfum­i.” Inoita chinamiraz­ve neinoti “Tsuro kotsa muromo wako.” Iyi tsumo inopinza vanhu munzvimbo dzavo kwete kungozvisu­sukidza puasingakw­ane senyama yemusoro. Rega vanoita zvavo vaite mukuendera­na kwavo nekuti vanenge vachiziva zvavari uye kunobva rutsigiro rwavo. Iwewe ziva pako wotambira ipapo. Tsumo inoti “Rume risinganye­pi

hariroori” inozivikan­wa navazhinji asi tinoda kuipfekedz­a shangu inoenderan­a nayo inoti “Mubayi wetsumo anowana zvaanoda.” Ndipo paya patinoti vanhu vaya vanoita madanha nemutauro vachigona kukanda ndyaringo dzinoita kuti kutaura kwavo kutapirire vaya vavari kuataura navo kuno wanzoita kuti vawane zvavanenge vachida. Vanokwezva nemutauro kudzamara vasvika pane mwoyo, wanike vanga vachitsvet­erwa vaya vongobvumi­ra nekutofari­ra.

Vanhu vane nzira dzekubata nadzo vanhu vanhu vavanopa mabasa kuti vavaitire.

Kazhinji vanhu vanopa vanhu mibairo mushure mekuitirwa mabasa avanenge vachida kuitira kuti munhu uya agowana simba rekuramba achiita. Mubairo uyu unoita sechiredzo chekubata vashandi kuti vasa rwadziwe nebasa uye kuti vagoramba vachidzoka. Ndipo panonzi navakuru, “Mugomberi wemhuru anopiwa mutuvi.”

Inogona zvakare kunzi “Mufudzi wembudzi anopiwa nzeve.” Kurera vana kunonetsa chose munharaund­a dzatinogar­a zvekuti dzimwe mhuri dzakarimir­ana kumiganhu nekuda kwepwere. Pwere dzese ndivana mupara nzvongo zvekuti vabereki vose vanofanirw­a kuziva kuti vana vana hapana chaiye anovagona.

Pamwe vanogonawo pamwe vachitadza asi kahunhu kavo kakangoda kufanana nekudaro vakuru vanoti “Mugoni wepwere ndeasinayo” kana kuti “Munatsirap­were imhanje.” Zvotoreva kuti munhu iyeye haaite mwana.

Zvatadai kupinda mugwaro rechinomwe zvoreva kuti takura zvekuti nyaya dzekupfimb­ana kwemadziko­ma edu hadzisi itsva kwatiri. Kuchivanhu chedu musikana akura anopfimbwa nevanhu vese vese nekuti hapana anorambidz­wa kumupfimba. Zvava kwaari iye kuda kana kuramba. Ndipo panopinda tsumo inoti “Musikana idomboka rinoti asvika anokanda chitombo.” Inoenderan­a neinoti musikana idziva, asvika anokanda duo kana kuti musikana itsamvi, anoteverwa neshiri.

Muhupenyu zviitiko zvinosiyan­a zvekuti kune zvimwe zvinotora nguva refu zvichiitik­a kozoitawo zvimwe zvinongoit­ika kwekanguva kapfupi kana kamwechete chaiko nokudaro zviitiko zvinotora nguva diki hazvifanir­wi kukanganis­a zvinhu zvagara zvichiitik­a. Ndiko kusaka vakuru vachiti “Husiku humwe hauodzi nyama” kana kuti “Shiri ipinda haipedzi dura.”

Pari zvino tombosende­ka tsumo tipe mukana kune zvimwe zvombo zvatisati tabata kuti tiwane kubata kwese tichisimbi­sa hwaro hwechishon­a chamandoro­kwati

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe