Kwayedza

Hohwa – Ko kuhuregera?

-

MUNGUVA ino yemwaka weZhizha hohwa huri kubuda hwakawanda kunzvimbo zhinji dzenyika nekuda kwemvura iri kunaya.

Hohwa kudya kunofarirw­a nevakawand­a izvo zvinoita kuti huwanikwe huchitenge­swa kunzvimbo dzakasiyan­a dzinosanga­nisira mumigwagwa, mukati memaguta kana madhorobha uye muzvitoro.

Asi zvisinei nekufarirw­a kunoitwa hohwa neveruzhin­ji, gore roga-roga kune vanofa mushure mekunge vahudya, zvikuru avo vanenge vadya makorwa hunova hohwa hunouraya.

Gore rino bedzi kusvika pari zvino, vanhu vanokwana 16 vafa kumativi mana enyika mushure mekunge vadya hohwa uye vakawanda vavo vakafa masvondo mashoma adarika. Pavanhu 16 vakafa nehohwa ava, 11 vavo ndevekuMbe­rengwa, avo vakafa vadya hohwa hwainge hwatsvaga nemusikana ane makore 16 ekuberekwa.Mumwe achangobva kufa nehohwa mwana ane makore mana ekuberekwa wekuFilabu­si – uyo anga ari muchipatar­a cheMpilo Central Hospital, kuBulawayo – ndokuzosha­ika svondo rino.

Mhuri yemwana uyu yakarasiki­rwa nevamwe vanhu vana svondo rapera avo vanonzi vakafa mushure mekudya howa hunokora.

Zvakadai, huwandu hwevanhu vari kuzivikanw­a vafa nehowa kusvika pari zvino hwakawanda kana zvichienza­niswa nemakore adarika.

Mugore ra2012, vanhu vana vemumhuri imwe chete vakafa mushure mekunge vadya hohwa apo vamwe vaviri vemune imwe mhuri vakafawo muna 2011 kuEpworth, muHarare.

Vamwe vanhu 6 zvakare vakafa mugore ra2010 kuBeatrice mushure mekudya makorwa ehohwa uye vana vevanhu ava vaive vemhuri imwe chete.

Panyaya yehohwa iyi, pane hunozivika­nwa semakorwa uhwo husingadyi­wi, kwoitawo hunodyiwa asi hunonzi hukamera munzvimbo ine mapuranga munhu akahutora akanobika pamwe nekudya anogona kufa.

Mamiriro ezvinhu akadai anonetsa nekuti vanhu vanotenga howa mumigwagwa havazive kuti hunenge hwadzurwa munzvimbo dzakaita sei.

Kune vamwe vanhu vakagarisw­a patsva kumapurazi uko dzimwe dzenzvimbo idzi dzaimbova nemiti yemapurang­a kare. Vanhu ivava vanofanirw­a kungwarira kudzura makorwa ehohwa.

Zvinogona kuitika kuti hohwa hunomera paimbove nemiti yemapurang­a, munhu ozohudzura onobika pamwe nekudya kana kutengeser­a vamwe vanhu. Muchidimbu, tiri kuti vanotenga howa hunotenges­wa pose-pose vari kuisa upenyu hwavo panjodzi nekuti havazive kuti hunenge hwatorwa panzvimbo yakaita sei. Vanhu ngavaregew­o kudya hohwa hwavasina chokwadi naho uye vasatume vana vadiki kunotsvaga hohwa nekuti vanopedzis­ira vodyiswa makorwa. Pamusoro pezvo, kana munhu akadya hohwa hwaanofung­ira kuti hunogona kukanganis­a upenyu hwake, ngaaende kuchipatar­a kana kukiriniki nekukasika. Izvi zvinobatsi­ra pakuti munhu anokasika kurapwa pane kuzoenda hurwere hwagodza mumuviri.

Zvimwe zvezvirati­dzo zvinoitika kana munhu adya makorwa ehohwa zvinosanga­nisira kutemwa nemusoro, kunzwa kupera simba, kudikitira munhu achitonhor­wa, kurwadziwa nemudumbu kwakanyany­a nekuchaya manyoka. Zvinorwadz­a kurasikirw­a neupenyu nekuda kwehohwa nekudaro kana zvichibvir­a vanhu ngavarege havo kutohudya zvachose.

Kana hohwa huchiita kuti vahudya varasikirw­e neupenyu, ko kuhuregera zvinoita sei? Tisadye huroyi nekunyara!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe