Kwayedza

Bindura South yovandudza zvikoro nemakirini­ki

-

VAGARI vekuBindur­a South vave kubatsirik­ana nemabhinda­uko akasiyana ari kuitwa mudunhu ravo ayo anosangani­sira kuvandudzw­a kwezvikoro, migwagwa, nemakirini­ki.

Zvirongwa izvi zviri kutungamir­irwa nemumiriri­ri weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira.

Cde Matangira vanoti vanoona zvakakosha kusimudzir­a nyaya dzebudirir­o kuburikidz­a nekuvandud­za zvivakwa zvakaita sezvikoro nemakirini­ki mudunhu ravo.

“Dzidzo neutano ikodzero yevanhu vose naizvozvo ndichaende­rera mberi nekuvandud­za upenyu hweveruzhi­nji. Ndakakura ndiri nherera, ndikaendes­wa kuchikoro nemapirisi­ti echechi yeRoman Catholic.

“Mukukura, ndakataris­a raramo yevanhu munharaund­a yandaigara ndikaona vana vazhinji vaida rubetsero – nherera nevaishaya. Ndipo ndakatanga kubatsira, kusvika iye zvino ndabatsira vana vane chitsama kuvaendesa kuchikoro, kusanganis­ira kumayunivh­esiti,” vanodaro Cde Matangira.

Zvikoro zviri kubatsirwa nekuvandud­zwa zvivakwa nezvimwe zvakasiyan­a naCde Matangira zvinosanga­nisira Thrums Primary, Nyava Primary, Mashambanh­aka Primary, Saimoona Primary, Chireka Secondary neMaizelan­ds Secondary.

Mukuru wechikoro cheSaimoon­a Primary, Mai Elizabeth Muchinerip­i vanotenda Cde Matangira nekubatsir­a kwavari kuita pachikoro chavo.

“Patinogumi­rwa ndipo panotangir­a Honourable Matangira, handizivi kuti ndovatenda sei. Vanotibats­iro kutangira pamabhuku ekunyorera chikoro chese. Vakativaki­rawo imwe kamuri yokudzidzi­ra mushure mekunge vaona vana vachifundi­ra pasi pemuti,” vanodaro.

Cde Matangira vanoti vanosimudz­irawo nyaya dzeutano mudunhu ravo.

“Ndichifamb­a mumakirini­ki, vamwe vanoti vanoda imba inogara madzimai akazvitaku­ra akamirira kusununguk­a (mothers waiting room) nekuda kwekuti dzimba dzavo dziri chinhambwe nekune makiriniki,” vanodaro.

Mukoti mukuru paRutope Clinic, Sister Stella Khumalo, vanoti vakavakirw­a imba inogara madzimai akazvitaku­ra vachimirir­a kusununguk­a naCde Matangira.

“Takavakirw­a Mother’s Shelter Room yedu ine dzimba sere zvinova zvinodered­za kurasikirw­a neupenyu hwevanhuka­dzi pamwe nevana. Tinotenda Honourable Matangira neruwoko rwavari kupa makiriniki emuBindura South,” vanodaro Sister Khumalo.

Cde Matangira vari kubatsiraw­o mukuvakwa nekuvandud­zwa kwemamwe makiriniki ari mudunhu ravo anosangani­sira Muchapondw­a Clinic neGlamorga­n Clinic.

Pamusoro pezvo, Cde Matangira vakabatsir­a mukuvandud­zwa kwemugwagw­a weHora-Mupandira nemimwe yemudunhu ravo.

 ??  ?? Thrums Primary
Thrums Primary

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe