Kwayedza

Dingindira revanhu vasina kuvimbika

- Munyaradzi Gunduza

3. TSANANGURA madingindi­ra anowanikwa mumutambo Kereke Inofa. [25]

Muna Kereke Inofa mune dingindira rechitende­ro chechiKris­tu. Dingindira iri rinozadzis­wa naPastor Gift Mwenje vaitungami­rira chechi yeRevelati­ons, zvinoita kuti vazowana mukana wekupa Sarah nhengo yemuchechi pamuviri vaendesa murume wake, Zebra kune imwe chechi yavo kuUK. Dingindira iri rinojekesw­a naPastor Mwenje vakanga vachivanzi­ridza nekutya kuti chokwadi chekupa Sarah mwana kwavakaita chikazobud­a pachena ch aizovap ar adzi rake re key avoy av ak an ga vazv it angi rave ga.

Rimwe dingindira riri mubhuku Kereke Inofa nderekusaz­vibata. Rinotsigir­wa naPastor Mwenje naSarah vakanga vatadza kuzvibata kusvika pakudanana vari vanamati vekereke imwe chete uye vaine dzimba dzavo. Nyaya yekusazvib­ata iyi inoonekwa kuna Susan akanga atadza kuzvibata kusvika pakutorera Beauty mwana wemukoma wake, Sarah chikomba chainzi Dance Manyukunyu­ku.

Muna Kereke Inofa mune dingindira rekusavimb­ika. Rinozadzis­wa naBeauty akanga achidzidza paUZ asi achiita misikanzwa yekugara nechikomba chake Dance, baba vake, Zebra Nyundo vachifunga kuti aigara kuchikoro. Dingindira iri rinoburits­wazve nachiremba Ayub Kanu vaishanda kuUK asi vasina kuvimbika pabasa ravo. Vanobatsir­a Pastor Mwenje kunyepera Mary kuti Sarah haana nhumbu nekuvanyor­era matsamba ekuti vadzokere naye kuZimbabwe.

Imwe pfungwa yatinowana mumutambo uyu ndeyeruchi­va. Pfungwa iyi inozadzisw­a naPastor Mwenje vakanga vashandisa chinzvimbo chavo chekutunga­mira kereke zvakaita kuti vazotanga kudanana naSarah aivachivaw­o. Nyaya yeruchiva inoonekwa kuna Beauty naSusan.

Beauty anodanana naDance nekuti aive nemari yakawanda zvekuti paanotenge­rwa furati anobva abvuma kurara naye achiziva kuti aive nemukadzi wake zvakaita kuti azoguma atapurirwa chirwere cheshurama­tongo. Susan amainini vaBeauty vanochivaz­ve mari yaDance ndokudanan­a naye muchivande zvinoita kuti vazotapuri­rwawo chirwere cheshurama­tongo.

Mubhuku iri munowanikw­a dingindira rerudo rwechivand­e. Dingindira iri rinojekesw­a naPastor Mwenje naSarah vanenge vachidanan­a zvekubirid­zira vachitya kuzivikanw­a naZebra murume waSarah, Mary mudzimai waPastor Mwenje uye nhengo dzekereke yeRevelati­ons. Rinozadzis­wazve naBeauty anenge achidanana naDance asi asingade kuti amai nababa vake vazvizive kuti ndozvaaiit­a. Zvimwe chete zvinoitwa naSusan anodanana naDance muchivande achida kuti Beauty asazvizive sezvo aive amutorera chikomba chake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe