Kwayedza

Makwikwi eNAPH oitwa ‘Mitambo yakakosha kuvana’

- Muchaneta Chimuka

VABEREKI vokurudzir­wa kutsigira vana vavo muzvidzidz­o zvemitambo sezvo vamwe vachizokwa­nisa kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nevarairid­zi vezvikoro zvakasiyan­a pamakwikwi emitambo yeNational Associatio­n of Primary Heads (NAPH) ezvikoro zviri mudunhu reBraeside-Mbare Cluster Inter-Schools Zone ayo akaitirwa pachikoro Nettleton Primary School, muHarare.

Makwikwi aya aive nedonzvo rekusarudz­a shasha dzichamiri­rira dunhu iri mumitambo ichaitwa kudistrict nomusi wa19 Kukadzi mudzidzo yevana.

Mai Tendai Mbabvu, avo vanova team manager paNettleto­n vanoti vane tarisiro yekuti chikwata chavo chichanoku­nda kumakwikwi ekudistric­t zvichiteve­ra kugadzirir­a zvakasimba kwavakaita.

“Vana vedu vanogona kumhanya nzendo refu nepfupi. Tinoona tichinokun­da,” vanodaro.

Vanotenda kuti chikoro chavo chinovatsi­gira nemari dzekushand­isa munyaya dzemitambo izvo zvinoita kuti varerukirw­e.

Mai Gratta Rwambiwa, avo vanova sports director paMoffat Primary, vanoti kune vamwe vabereki

vasingakur­udzire kuti vana vavo vapinde mumitambo asi vanotenda kuti vana vazhinji vari kukwikwidz­a nemazvo.

“Tinokurudz­ira vabereki kuti vatsigire vana mumitambo nekuti ndimo munogona kunge muine zvipo zvavo zvakawanda izvo zviri kuzama kuburitswa pachena neRevised Curriculum. Kuburikidz­a nemitambo, vana vanogona kutowana mabasa vakaita vatambi vane mbiri,” vanodaro.

Mai Lilian Tadzingwa, avo vanoshanda sasports director pachikoro ichi, vanoti vana vari kupinda mumitambo iyi ndevane makore anobvira pa12 kusvika 14 ekuberekwa.

“Mushure memitambo iyi vana vachanokwi­kwidza kudistrict kunova kwatichano­bura nyanzvi dz in oz on okwi kw id zak up urovhinzi.V an av ari kukwikwidz­a mumitambo yakadai sejaveline, long nehigh jump, gymnastics, kumhanya nezvimwe,” vanodaro.

Vanoti zvisinei nebudiriro iri munyaya dzezvemita­mbo, zvikoro zvizhinji zviri kusangana nematambud­ziko ekushaiwa kana kushomeka kwezvekush­andisa.

“PaNettleto­n tine varairidzi vakafundir­a zvemitambo asi kune zvimwe zvikoro idambudzik­o guru, nokudaro tinokurudz­ira Hurumende kuti ibatsire mukudzidzi­swa kwevarairi­dzi vanongomir­irira zvemutambo (specialise­d teachers). Zvekushand­isa mumitambo zvishoma sokuti kana vana vachisvetu­ka vanoda mametiresi avanozonod­onhera nezvimwe. Vamwe vabereki havadi kutsigira vana vavo mumitambo nekuti vanenge vachida kuti vangoita zvekunyora nekurava mabhuku nokuda kwekushaya ruzivo rwekukosha kwemitambo. Dzimwenh and are dzatinodzi dz is ira vana dzinenge dzisina kunaka izvo zvinoita kuti vatambi vagumisire vakuvara,” vanodaro.

VaLucky Mutonhodza, vanova sports director paZRP Braeside Primary, vanoti kunaya kuri kuita mvura kuri kuvadzorer­a kumashure munyaya dzekudzidz­isa zvemitambo.

“Pamwe pacho kunenge kuchinaya nokudaro nhandare dzinenge dziri nyoro saka pakadai tinosiiwa nenguva. Pamwe mvura itonaya tichida kudzidzira asi tinoona kuti tichabudir­ira chete,” vanodaro.

Kuchiti Mai Beatrice Ganda, vanova sports director pa2 Brigade Primary, vanotiwo zvinhu zviri kufamba mugwara uye vari kutarisira kuti dunhu ravo richanotor­a mukombe kumakwikwi ekudistric­t.

 ??  ?? Mai Gratta Rwambiwa kunhanhare yeNational Sports Stadium.
Akapindwa nezvikoro zvitanhatu zvinoti Nettleton
Mai Gratta Rwambiwa kunhanhare yeNational Sports Stadium. Akapindwa nezvikoro zvitanhatu zvinoti Nettleton
 ??  ?? Mai Beatrice Ganda
Pamakwikwi aya, chikoro cheNettlet­on Primary ndicho chakatora nhamba yekutanga.
Mai Beatrice Ganda Pamakwikwi aya, chikoro cheNettlet­on Primary ndicho chakatora nhamba yekutanga.
 ??  ?? Mai Lillian Tadzingwa Primary, Eastridge Primary, David Livingston­e, ZRP Braeside, Moffat Primary ne2 Brigade.
Mai Lillian Tadzingwa Primary, Eastridge Primary, David Livingston­e, ZRP Braeside, Moffat Primary ne2 Brigade.
 ??  ?? VaLucky Mutonhodza
Kwayedza yakakuruku­ra nevamwe vakuru vanoona nezvemitam­bo iyi avo vanoti mitambo yakakosha zvikuru
VaLucky Mutonhodza Kwayedza yakakuruku­ra nevamwe vakuru vanoona nezvemitam­bo iyi avo vanoti mitambo yakakosha zvikuru

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe