Hirara nezvitunha zviviri
daro Mapira.
Dzimwe mhiko dzinonzi dzakasiya dzapihwa mhuri iyi kugara vachipfeka magemenzi emhando dzakasiyana – matsvuku, machena, egreen neyellow.
Pane runyerekupe rwunoti James aiita hanzvadzi dzake madzimai ake – achishinha navo pamadiro – semhiko dzavo. Asi vemhuri iyi vanoramba mashoko aya.
Nyaya yekuvharirwa mumba kwezvitunha izvi inonzi yakazoburitswa nevavakidzani vemhuri iyi vekwaBonya, avo vakanga vanzwa nekunhuwirwa nezvitunha zvakaworera.
Mai Jane Nyabawa Bonya (34), vanoti vakatanga kunzwa gutukutu remweya vachidarika nepamusha uyu vachibva vanozivisa murume wavo, Toloka Bonya (47).
“Murume wangu akazouya ndokubvunza Sekuru Zozo Phiri, apo akapindurwa kuti vaiva vakabvakacha. Akazoshedza vamwe apo vakasvikovhura madhoo nechisimba ndokutambirwa nehonye nechitunha chasekuru ava chakatowora.
“Takazoenda muimba yaigara James tikaonawo akatowora, dzichingova honye. Ndipo pakazofonwa kumapurisa,” vanodaro Mai Bonya.
Vanoti pakamboshaika mumwe mwanasikana wepamusha uyu – Spiwe Phiri (27) muna Ndira gore rino – James akarambidza vanhu kuti chitunha chake chivigwe kwemazuva mana chikaguma chawora zvakare, achiti aida kuchinamatira kuti mufi amuke.
“James aitaurira vanhu kuti Spiwe akanga asina kufa, asi kuti aiva arohwa nezvinhu. Takatozoviga mutumbi wake nechisimba.
“Zvakare, pane mashoko anoti James aishinha nehanzvadzi dzake, ayo atisina umboo nawo uyewo dzimwe nguva Sekuru Phiri vainzwikwa vachichema asi tisingazive kuti vaichemei,” vanodaro.
Sabhuku wemusha uyu, VaStanley Melusi (69), vanoti nyaya iyi vakatozoinzwawo vari pamusangano kutaundishipi yeChindiya.
“Nyaya iyi inoshamisa, handizive kuti kunamata kwemhando ipi uku? Mhuri iyi inoti inonamata chechi yeJohane Masowe weChishanu yeNguwo Tsvuku – inova yavo chete muno, hakuna mumwe wavanonamata naye.
“Zvitunha izvi zvakatorwa uye naivo vemhuri iyi vakambotorwa nemapurisa, vari kudzoka nhasi (neChina svondo rapera) mitumbi yovigwa,” vakadaro.
Vanoti nyaya iyi vakaikwidza kwaSadunhu Murombedzi nekwaMambo Mashayamombe.
“Dunhu redu rasviba nenyaya iyi, panoda kuitwa chenuro. Mhuri iyi dzinza rayo riri kuMozambique – baba naamai vacho ndevekuMudzi. Vakauya muno mugore ra2010 vachibva kumapurazi,” vanodaro. Vanoti vanhu ngavasangotevedza zvitendero zvose-zvose sezvo zvimwe zvinovakanganisa.
Sabhuku Zaranyika, VaParadzai Dhlamini (43), vemudunhu iri vanoti nyaya iyi yakavhundutsa vagari veko zvikaita kuti ruzhinji rwevanhu rwukoromoke kubva mumisha 12 yeko vachinoona mashura aya.
“Mamwe machechi ngaapote achiongororwa zvinhu zvisati zvasvika pakadai. Isu semasabhuku ngationgororei manamatiro evanhu vedu vapote vachinonyoresa kumapurisa nguva nenguva,” vanodaro.
Pakasvika Kwayedza pamusha uyu, yakawana paine vanhu vashomanini – kuita sepasina kufiwa. Kumakuva maviri aicherwa kugadzirira kuchiviga baba nemwanakomana wavo ava kwaingova nevarume vaviri bedzi.
Pamusha pemhuri iyi pane kirawa yavanonamatira nemazihari anonzi aishandiswa naJames izvo zvose zvakaonekwa neKwayedza.
Zvakadai, Insp Mabgweazara vanoti mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi.
“Tinoti isu muZimbabwe mune mutemo unoti zvitunha zvose zvinofanirwa kuvigwa kana kupiswa zvichifambirana nezvinodiwa nemufi kana nehama dzevafi. Zvimwe zvitendero zvinofanirwa kuongororwa, nekudaro mapurisa edu vane kuferefeta kwavari kuita, panofanirwa kunge paine mhosva iripo ichaendesa vamwe vemhuri iyi kumatare edzimhosva,” vanodaro.