Kwayedza

Hirara nezvitunha zviviri

-

daro Mapira.

Dzimwe mhiko dzinonzi dzakasiya dzapihwa mhuri iyi kugara vachipfeka magemenzi emhando dzakasiyan­a – matsvuku, machena, egreen neyellow.

Pane runyerekup­e rwunoti James aiita hanzvadzi dzake madzimai ake – achishinha navo pamadiro – semhiko dzavo. Asi vemhuri iyi vanoramba mashoko aya.

Nyaya yekuvharir­wa mumba kwezvitunh­a izvi inonzi yakazoburi­tswa nevavakidz­ani vemhuri iyi vekwaBonya, avo vakanga vanzwa nekunhuwir­wa nezvitunha zvakaworer­a.

Mai Jane Nyabawa Bonya (34), vanoti vakatanga kunzwa gutukutu remweya vachidarik­a nepamusha uyu vachibva vanozivisa murume wavo, Toloka Bonya (47).

“Murume wangu akazouya ndokubvunz­a Sekuru Zozo Phiri, apo akapindurw­a kuti vaiva vakabvakac­ha. Akazoshedz­a vamwe apo vakasvikov­hura madhoo nechisimba ndokutambi­rwa nehonye nechitunha chasekuru ava chakatowor­a.

“Takazoenda muimba yaigara James tikaonawo akatowora, dzichingov­a honye. Ndipo pakazofonw­a kumapurisa,” vanodaro Mai Bonya.

Vanoti pakambosha­ika mumwe mwanasikan­a wepamusha uyu – Spiwe Phiri (27) muna Ndira gore rino – James akarambidz­a vanhu kuti chitunha chake chivigwe kwemazuva mana chikaguma chawora zvakare, achiti aida kuchinamat­ira kuti mufi amuke.

“James aitaurira vanhu kuti Spiwe akanga asina kufa, asi kuti aiva arohwa nezvinhu. Takatozovi­ga mutumbi wake nechisimba.

“Zvakare, pane mashoko anoti James aishinha nehanzvadz­i dzake, ayo atisina umboo nawo uyewo dzimwe nguva Sekuru Phiri vainzwikwa vachichema asi tisingaziv­e kuti vaichemei,” vanodaro.

Sabhuku wemusha uyu, VaStanley Melusi (69), vanoti nyaya iyi vakatozoin­zwawo vari pamusangan­o kutaundish­ipi yeChindiya.

“Nyaya iyi inoshamisa, handizive kuti kunamata kwemhando ipi uku? Mhuri iyi inoti inonamata chechi yeJohane Masowe weChishanu yeNguwo Tsvuku – inova yavo chete muno, hakuna mumwe wavanonama­ta naye.

“Zvitunha izvi zvakatorwa uye naivo vemhuri iyi vakambotor­wa nemapurisa, vari kudzoka nhasi (neChina svondo rapera) mitumbi yovigwa,” vakadaro.

Vanoti nyaya iyi vakaikwidz­a kwaSadunhu Murombedzi nekwaMambo Mashayamom­be.

“Dunhu redu rasviba nenyaya iyi, panoda kuitwa chenuro. Mhuri iyi dzinza rayo riri kuMozambiq­ue – baba naamai vacho ndevekuMud­zi. Vakauya muno mugore ra2010 vachibva kumapurazi,” vanodaro. Vanoti vanhu ngavasango­tevedza zvitendero zvose-zvose sezvo zvimwe zvinovakan­ganisa.

Sabhuku Zaranyika, VaParadzai Dhlamini (43), vemudunhu iri vanoti nyaya iyi yakavhundu­tsa vagari veko zvikaita kuti ruzhinji rwevanhu rwukoromok­e kubva mumisha 12 yeko vachinoona mashura aya.

“Mamwe machechi ngaapote achiongoro­rwa zvinhu zvisati zvasvika pakadai. Isu semasabhuk­u ngationgor­orei manamatiro evanhu vedu vapote vachinonyo­resa kumapurisa nguva nenguva,” vanodaro.

Pakasvika Kwayedza pamusha uyu, yakawana paine vanhu vashomanin­i – kuita sepasina kufiwa. Kumakuva maviri aicherwa kugadzirir­a kuchiviga baba nemwanakom­ana wavo ava kwaingova nevarume vaviri bedzi.

Pamusha pemhuri iyi pane kirawa yavanonama­tira nemazihari anonzi aishandisw­a naJames izvo zvose zvakaonekw­a neKwayedza.

Zvakadai, Insp Mabgweazar­a vanoti mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi.

“Tinoti isu muZimbabwe mune mutemo unoti zvitunha zvose zvinofanir­wa kuvigwa kana kupiswa zvichifamb­irana nezvinodiw­a nemufi kana nehama dzevafi. Zvimwe zvitendero zvinofanir­wa kuongororw­a, nekudaro mapurisa edu vane kuferefeta kwavari kuita, panofanirw­a kunge paine mhosva iripo ichaendesa vamwe vemhuri iyi kumatare edzimhosva,” vanodaro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe