Muporofita akabatwa nerunyoka
vairwarawo nerunyoka here asi hazvina kujekeswa.
Caroline – uyo anonzi inherera uye akakurira kwanasekuru vake – padare iri aiva akamirirwa nemadzisekuru ake vekwaNyakarize, avo vanonzi vakanyara zvikuru nekuda kwenyaya iyi.
Sadunhu ava vanoyambira maporofita kuti vasiyane nenyaya dzekupfimba madzimai evanhu.
“Handichada kuona maporofita muno, vandinetsa nenyaya dzakadai idzi. Ivowo madzimai evanhu ngavakwane, vosiyana nekumisa miswe mudenga fanika madzvinyu,” vanodaro.
Vamwene vaCaroline vanova amai vaGodwishes, Mai Clara Shamhuyedova (57), vanotsinhira kuti vakaroorwa vachinzi musha wekwaShamhuyedova waiva wakagadzirwa zvekuti hakuna mudzimai anofanirwa kuita zvegumbo mumba gumbo kunze.
“Ndakaroorwa zvakadaro nemurume wangu akazoshaika, Martin Shamhuyedova. Varoora mumusha muno vanosvikobatira runyoka vachingotsika ivhu remuno saka pamwe ndizvo zvakabata muporofita uyu, hamheno,” vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti: “Ini ndainotengesa kuTanzania, South Africa, Botswana nekumwe asi handina kumbopoya nekuziva mashoko eyambiro aya.”
Zvisinei, vanoti vanoda kuti muroora wavo agare pamba achichengeta vana vake.
“Ini ndinoda kuti muroora wangu adzoke, chionai vazukuru vangu vatatu vanosara vasina muchengeti. Hazvishamise kudanana nevarume kwaari nekuti ipfambi zvatinotoziva. Madzibaba ava havana mhosva saka ndinofunga kuti kana kuvaripisa kwedu hazvibatsire. Kana iye mwana wangu anoda kuti mukadzi wake adzoke,” vanodaro Mai Clara Shamhuyedova.
Vanoti Madzibaba Brighton apfidza kudanana nemadzimai evaridzi.
“Madzibaba Brighton vakarangwa kare naMwari wavo nengirozi yake nekubatwa nerunyoka. Panyaya yerunyoka, baba vaitaura izvozvo vakashaika kare hatizive kana kuine kwavakanotora ndivo vaiziva.”
Amai ava - avo vanopindawo Johane Masowe weChishanu - vakazopidiguka vave kushora muporofita uyu vachiti asvibisa zita rechechi yavo.
“Panyaya yake iyi isu hatichazvikwanisa nekuti akasvibisa chechi, ngaaende kuchivanhu abatsirwe nokuti baba vakagadzira musha wedu vakafa kare,” vanodaro.
VaMisheck Sanhokwe Shamhuyedova (83), vanova sabhuku uyewo baba vasara vemhuri iyi, vakaramba kutaura zvakawanda.
“Uyu anonzi akataura zverunyoka mukoma wangu akafa kare. Hongu padare rakaitwa mumusha ndaivapo, muporofita akanwiswa weti yemuroora wangu.
“Zvizhinji hapana zvandinoziva,” vanodaro Sabhuku Shamhuyedova.
Caroline akatodzingwa pamusha apa akaenda kuhama dzake kuHarare uko anonzi ave kushanda basa remumba kuMabvuku.
Madzibaba Elias Gomwe (41) veJohane Masowe weChishanu kuChitungwiza vanoshora maporofita ane tsika yekudanana nemadzimai evanhu vachiti vanoshoresa chechi.